Mapisarema 101 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaRwiyo rwaDhavhidhi. Mambo kwaye 1 Ndichaimba nezvokutendeka uye nezvoruenzaniso, ndichaimbira imi TENZI. 2 Ndichangwaririra mufambiro wakarurama. Ko imi muchauyawo kwandiri rini? Ini ndichafamba nomwoyo wakatendeka mumba mangu. 3 Ndicharega kutarisa chose chinenge chakashata; zvose zvinoitwa navanenge vafuratira Mwari, ndichazvivenga. Handidi kuva nei nazvo. 4 Uipi ndichasiana nahwo, handidi kumbofa ndakaita ukama nouipi. 5 Munhu anoreva mumwe wake muchivande, ndichamuparadza. Munhu anozvitutumadza, anozvikudza handidi, kuita hanya naye. 6 Ziso rangu richava kuna vakatendeka munyika ndivo vangagare neni. Munhu anotevera nzira yakarurama, ndiye achandishandira. 7 Hapana munhu anoita zvoujarijari achagara mumuzinda wangu. Hapana anoreva nhema acharamba aineni. 8 Mangwanani oga oga ndichaparadza vakaipa vose munyika ndichipedza vaiti vezvakaipa vose muguta raTENZI. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe