Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 100 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Rumbo rwokurumbidza
Rwiyo rwemupiro wokutenda.

1 Pururudzirai TENZI imi nyika dzose

2 shandirai TENZI, norufaro, uyai pamberi pake muchiimba.

3 Zvizivei kuti TENZI ndiMwari, ndiye akatisika uye kuti tiri vake. Tiri vanhu vake, hwai dzake dzaanochengeta.

4 Pindai pamisuo yake mikuru muchitenda mupinde mumipanda yake muchirumbidza, mutendei muchirumbidza zita rake.

5 Nokuti TENZI akanaka, mwoyochena wake hauperi, kutendeka kwake kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements