Genesi 4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKaini naAbhero 1 Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.” 2 Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi. 3 Gare gare Kaini akaunza zvimwe zvirimwa zvake akapira kuna Tenzi. 4 Abhero akaunzawo nyama yakakora yehwayana pahwayana dzake sheshe dzamatangwe. Tenzi akafadzwa naAbhero nomupiro wake. 5 Asi haana kufadzwa naKaini kana nomupiro wake. Kaini akatsamwa zvikuru akafundumwara. 6 Tenzi akabvunza Kaini achiti, “Watsamwireiko? Wapfundumwarireiko? 7 Handiti kana ukaita zvakanaka unogamuchirwawo here? Asi nokuti hauna kuita zvakanaka, chitadzo chakugaririra pamusuo, chichikutsvaka. Asi iwe unofanira kuchikunda, uchitonge.” 8 Kaini akazotaurirana nomunun'una wake Abhero achiti, “Ngatimboendaika zvedu musango.” Ikoko Kaini akamukira munun'una wake, Abhero akamuuraya. 9 Mwari akazobvunza Kaini achiti, “Ko munun'una wako, Abhero aripiko?” Kaini akati, “Handizivi. Ko ndini muchengeti womunun'una wangu here?” 10 Mwari akati, “Ko izvozvi uri kuti waiteiko? Ropa romunun'una wako radeukira pasi, riri kuchema kwandiri. 11 Chinzwa, wapinda rushambwa rwokudzingwa munyika ino yashama muromo wayo ikanwa ropa romunun'una wako rawadeura, iyewe noruoko rwako. 12 Kana ukarima, nyika hapana chainokupa. Uchava swerakuenda nomudzungairi panyika.” 13 Kaini akapindura Tenzi achiti, “Chirango chamanditemera chakanyanya kukura zvokuti handikwanisi kuchitakura. 14 Chionaika kuti zvamandidzinga munyika ino ndichandotambura ndiri kwamusinganditariri, kwandichava swerakuenda nomudzungairi panyika. Ani naani anosangana neni achandiuraya.” 15 Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya. 16 Kaini akabva paiva naTenzi akandogara kunyika yainzi Nodhi yaiva kumabvazuva kweEdheni. 17 Kaini akasangana nomudzimai wake. Mudzimai wake akabva ava napamuviri ndokubereka Enoki. Akavaka guta akaritumidza zita romwana wake rokuti Enoki. 18 Enoki akabereka Iradhi, Iradhi akabereka Mehuyaeri. Mehuyaeri akabereka Metushaeri. Metushaeri akabereka Rameki. 19 Rameki aiva navakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha mumwe achinzi Zira. 20 Adha akabereka Jabhari, ndiye aiva baba vavanhu vanogara mumatendhe vanochengeta zvipfuwo. 21 Munun'una wake ainzi Jubhari, ndiye akatanga kuridza madimbwa nenyere. 22 Zira akabereka Tubharikaini, mupfuri wesimbi dzendarira noutare. Hanzvadzi yaTubharikaini yainzi Naama. 23 Rameki akati kumadzimai ake: “Adha naZira, ndinzwei. Imi vakadzi vaRameki teererai zvandava kureva. Ini pachangu ndakauraya murume akandikuvadza, kunyange iye akandidenha aiva chigwindiri chaicho. 24 Kana kuuraya Kaini kuchitsiviwa kakapetwa kanomwe, kuuraya ini kunotsiviwa makumi manomwe akapetwa kanomwe.” Seti naEnoshi 25 Adhamu nomudzimai wake vakaberekazve mumwe mwana mukomana. Evha akamutumidza zita rokuti Seti achiti, “Mwari andipa zvakare mumwe mwana panzvimbo yaAbhero uya akaurayiwa naKaini.” 26 Seti akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyoyo vanhu vakatanga kunamata Tenzi. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe