Online Bible

- Advertisements -


Genesi 35 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mwari anokomborera Jakobho paBhetieri

1 Mwari akataurira Jakobho kuti, “Chisimuka uende kuBhetieri ugareko, undigadzirire atari ikoko ini Mwari nyakuzviratidza kwauri panguva yawakatiza mukoma wako Esau.”

2 Jakobho ndokuudza mhuri yake navose vaaive navo kuti, “Rasai vamwari vamunavo vasirivo, mushambe mupfeke dzimwe hanzu.

3 Tichaenda kuBhetieri kundogadzira atari yokunamatira Mwari akandinzwa akandibatsira pandaitambudzika. Aiva neni kwose kwandaienda.”

4 Vakabva vapa Jakobho vamwari vasirivo vavakanga vainavo, nemhete dzaiva munzeve dzavo. Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuoku waiva pedyo neShikemu akazvifushira.

5 Kuzoti vapinda munzira, vanhu vamaguta omunharaunda iyoyo vakabatwa nokutya kwakabva kuna Mwari zvokuti havana kudzingirira vanakomana vaJakobho.

6 Jakobho navanhu vake vose vaaiva navo vakazosvika kuguta rainzi Ruzi kana kuti Bhetieri riri munyika yeKanani.

7 Akavaka atari ipapo akapatumidza zita rokuti Eribhetieri nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo panguva iya yaakatiza mukoma wake.

8 Ipapo ndipo pakafira Dhebhora akarera Ribheka. Akavigwa pasi pomuoku kumaodzanyemba kweBhetieri. Saka muti wacho wakatumidzwa zita rokuti Muoku Wokuchema.

9 Jakobho paakanga adzoka kuMesopotamia Mwari akazviratidzazve kwaari akamukomborera.

10 Mwari akati kwaari, “Handiti zita rako ndiJakobho, kubvira zvino hauchanzi Jakobho, wava kunzi Isiraeri.” Naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Isiraeri.

11 Mwari akamutizve, “Ndini iye Aripagomo. Bereka vana, muwande. Mumhuri yako muchabuda ndudzi dzavanhu muchabudawo madzimambo.

12 Nyika yandakanga ndapa Abhurahamu naIsaki ndinokupa iwe, ndinopawo nyika iyoyo kuzvizvarwa zvako zvichauya.”

13 Mwari akazobva paakanga achitaura naye oenda zvake kudenga.

14 Jakobho akamisa ibwe refu rechiyeuchidzo panzvimbo apa pakataura Mwari naye, akadururira pamusoro paro mupiro wechokunwa akadururirawo mafuta pariri.

15 Jakobho akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bhetieri.


Rufu rwaRakeri

16 Vakabva kuBhetieri vosimudzira rwendo rwavo voenda. Asi vachiri chinhambwe nokusvika munyika yeEfurati nguva yaRakeri yokusununguka yakasvika. Rakeri akatambura chaizvo pakusununguka kwake.

17 Zvaakanga ari pahata akatambura zvikuru, vanyamukuta vakati, “Usatye zvako wapiwa zvakare chimwe chikomana.”

18 Rakeri akataura achitandadza kuti zita romwana rinonzi Bhenoni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini.

19 Rakeri akafirapo akavigwa panzira inoenda kuEfurati kana kuti Bheterehemu.

20 Jakobho akamisa ibwe refu kumusoro kweguva rake. Ndiro ibwe refu repaguva raRakeri riripo nanhasi uno.

21 Isiraeri wakareyo Jakobho akabvapo osimudzira rwendo rwake akandodzika matendhe ake ave panzvimbo yokunge tapfuura shongwe yeEdheri.


Vanakomana vaJakobho
( 1 Nhor 2:1–2 )

22 Isiraeri paaiva agereko Rubheni dangwe rake rakatadza naBhiriha murongo wababa vake, Isiraeri ndokuzvinzwa. Jakobho aiva navana vakomana gumi navaviri.

23 Vanakomana vaRea ndiRubheni dangwe rake, naSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naZebhuruni.

24 Vanakomana vaRakeri ndiJosefi naBhenjamini.

25 Vanakomana vaBhiriha muranda wechikadzi waRakeri ndiDhani naNafutari.

26 Vanakomana vaZiripa muranda wechikadzi waRea ndiGadhi naAsheru. Ivava ndivo vanakomana vaJakobho vakaberekerwa kuMesopotamia.


Rufu rwaIsaki

27 Jakobho akandoona baba vake Isaki kuMamure kana kuti guta reAribha ndiro rimwechetero rinonzi Hebhuroni. Kwakambogara Abhurahamu naIsaki.

28 Isaki akagara zana namakumi masere amakore.

29 Isaki akazochembera zvake akakwegura zvokugutsikanawo ndokufa zvake oendawo kwakaenda vamwe vokwake vachakabvu. Esau naJakobho vana vavo vakavaviga.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements