Genesi 34 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKubatwa chibharo kwaDhina 1 Dhina mwanasikana waRea waakaberekera Jakobho akashanyira vasikana vomunyika iyoyo. 2 Ipapo Shikemu mwanakomana waHamori wechiHivhi aiva muchinda wenyika iyoyo akamuona ndokumufumura nokumubata chibharo kwaakaita. 3 Akatorwa mwoyo naDhina mwana waJakobho, akamuda, akamutaurirawo nyaya dzorudo. 4 Shikemu akataura nababa vake Hamori achiti, “Ndiroorereiwo Dhina ave mukadzi wangu.” 5 Jakobho akanzwa kuti mwana wake Dhina akanganiswa, izvozvo vana vake vakomana vakanga vari kumafuro vachifudza zvipfuwo. Jakobho akanyarara zvake kudzamara vauya. 6 Hamori baba waShikemu akaenda kuna Jakobho kundokurukura naye. 7 Vanakomana vaJakobho vakadzoka musango mavaiva nokuti vakanga vazvinzwa. Varume ava vakaviruka nehasha, vakashatirwa kwazvo nokuti Shikemu akanga aita chinhu chisina nomusoro wose muIsiraeri chokutadza nomwanasikana waJakobho nokuti hazvifanire kunzarwo. 8 Hamori akataurirana naye achiti, “Mwana wangu Shikemu ari kuda Dhina mwana wenyu chaizvo. Ko hamungabvume here kuti amuroore zvake ave mukadzi wake? 9 Ngatirooreranei. Regai zvenyu tiroore vana venyu, imi muchiroorawo vedu. 10 Ngatigarei pamwechete, nyika ndiyo yose iyi, muite zvenyu mhindu dzinokuwanisai mari, muve noupfumi.” 11 Shikemu akataurirana nababa vaDhina nehanzvadzi dzake achiti, “Kana mafadzwa nechikumbiro changu ndinokupai zvose zvamunenge mareva. 12 Revai zvenyu roora pamunodira nezvirehwarehwa ndinokupai sokutaura kwamunenge maita, chandinongoda chete kuti mundipe musikana iyeyu kuti ave mukadzi wangu.” 13 Vana vaJakobho vakapindura Shikemu nababa vake Hamori vachivaita zvokunyengedza nokuti akanga akanganisa hanzvadzi yavo Dhina. 14 Vakavati, “Hatingabvume zvakadaro, zvokupa hanzvadzi yedu kumunhu asina kudzingiswa nokuti chinhu chinoshoreka kwatiri. 15 Isu tingabvumirane nazvo chete kana imi maitawo sesu, vanhurume vose vokwenyu vatodzingiswa. 16 Kana matodaro ndopatingazokupai vanasikana vedu, isuwo tichitora vanasikana venyu. Ndopatingazogara pamwechete tichiva rudzi rumwe chete. 17 Asi, kana maramba kuteerera zvatareva zvokudzingiswa izvi, tichatora mwana wedu, tobva taenda zvedu.” 18 Zvavakataura izvi zvakafadza Hamori nomwana wake Shikemu. 19 Jaya irori harina kumboita chinono chokuzviita nokuti raida chaizvo mwana waJakobho. Shikemu aiva mukuru mukuru mumhuri yababa vake. 20 Nezvo Hamori nomwana wake Shikemu vakaenda kudare ravanhu kusuo guru reguta ravo vakandotaurirana navanhu vemo vachiti, 21 “Vanhu ava vagere nesu zvakanaka kwazvo, dai vagara zvavo munyika ino vachiita zvavo mhindu dzinovawanisa mari nokuti tarisai muone nyika ihuru iyi. Ngatirooreranei navo, ivo vatore vanasikana vedu isu tichivapawo vedu. 22 Kuti vanhu ava vabvume kugara nesu tichiva rudzi rumwe chete navo ndokunge vanhurume vedu vose vabvuma kudzingiswa sezvavakaita. 23 Ko upfumi hwavo nezvipfuwo zvavo, handiti zvichazova zvedu here? Ngatichingotenderanai navo, vagare nesu.” 24 Vanhu vose vomuguta imomo vakabvumirana nezvakataurwa naHamori nomwana wake Shikemu. Vanhu vose vomuguta iroro vakabva vadzingiswa, vechirume vose, vose zvavo vomuguta iroro. 25 Kwakati kwapera mazuva matatu maronda avarume ava orwadza, vana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina vakatora mapakatwa avo, vakapinda muguta umu zvechiverevere ndokubva vauraya varume vose vaivamo. 26 Vakauraya namapakatwa Hamori nomwana wake Shikemu, ndokubva vatora Dhina mumba maShikemu, vakaenda naye. 27 Vana vaJakobho vakaenda kuzvitunha zviye vakapamba guta iri nemhaka yokukanganiswa kwakanga kwaitwa hanzvadzi yavo. 28 Vakapamba hwai dzavo nemombe dzavo namadhongi nezvose zvaiva mugutamo nezvaiva kunze kwaro. 29 Vakatorawo upfumi hwavo hwose nezvinhu zvose zvaiva mudzimba dzavo pamwe chete navana navakadzi vachizviita zvavo. 30 Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandipa nhamo mandiparira moto muziso. Iye zvino vanhu vomunyika ino, vaKanani nevaPerizi vachandivenga. Ini ndinongova navanhu vashoma. Kana vakandikomberana vachandiparadza, ini nemhuri yangu.” 31 Simeoni naRevhi vakati, “Ko munoti tairega hanzvadzi yedu ichibatwa sepfambi here?” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe