Genesi 33 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKusangana kwaJakobho naEsau 1 Jakobho akatarisa akaona Esau achiuya namazana mana avarume. Akakamura vana vake achiti Rea navake, Rakeri navake, varanda vechikadzi vaye vaviri navavowo. 2 Akatungamidza varanda vaye navana vavo pamberi, vachiteverwa naRea navana vake, kuchizouya Rakeri naJosefi kwokupedzesera. 3 Iye Jakobho akavatungamirira, achiswedera kune mukoma wake akamugwadamira pasi kanomwe kudzamara azosvika kwaaiva. 4 Asi Esau akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akati koche mutsipa wake akamutsvoda, ndokubva vose vasvimha kuburitsa misodzi. 5 Esau akatarisa akaona vakadzi navana akati, “Ko ava vaunavo ndivanaani?” Jakobho ndokuti, “Vana vangu ini muranda wenyu vandakapiwa naMwari nokuda kwenyasha dzake. 6 Varanda navana vavo vakaswederawopo vakamugwadamira. 7 Kwakatevera Rea navana vake vakauyapowo vakamugwadamira. Pakupedzesera, Josefi naRakeri vakauyawo vakamugwadamira.” 8 Esau akati, “Ko matanga namatanga ezvipfuwo andasangana nawo ndeeiko?” Jakobho akati, “Ndeokukutetai changamire kuti mundiitirewo tsiye nyoro.” 9 Esau akati, “Munun'una, ini ndinazvowo zvakawanda! Chengeta zvako zvinhu zvako!” 10 Jakobho akati, “Kweteka. Kana mandiitira mwoyo munyoro, ndinokumbira kuti mugamuchire zvenyu zvipo zvandiri kukupai. Pandaona chiso chenyu ndaita sendaona chiso chaMwari nokuti mandifarira zvikuru. 11 Gamuchirai zvenyu zvipo zvandakuigirai nokuti Mwari akaita zvokundiwodzvorera kwazvo. Chinondipa kudaro ndechokuti ndine zvose.” Akaramba achimunyengetedza kusvikira azvigamuchira. 12 Esau akazoti, “Ngatichisimukai tiende zvedu, ini ndichakutungamirirai pamberi.” 13 Asi Jakobho akamuti, “Changamire munoziva kuti vapwere havana kusimba. Uye ndinotyirawo hwai nemombe dzandinadzo dziri kuyamwisa. Kana zvikanyanya kumhanyiswa kwezuva rimwechete zvaro matanga ose ezvipfuwo zvinopera kufa. 14 Zvino dai mukatungamira zvenyu pamberi pomuranda wenyu changamire. Ini ndichatevera zvangu zvishoma nezvishoma kudzamara ndasvika kwamuri kuSeiri sokufamba kwezvipfuwo zvandiri kutinha izvi nokufambawo kwavana, changamire.” 15 Esau ndokuti, “Kana zvakadaro rega ndikusiyire vamwe varume vandinavo.” Jakobho akati, “Ko munenge muchadarirei nhai changamire? Inga mandiitira mwoyo munyoro wani.” 16 Nokudaro Esau akabvapo zuva iroro odzokera zvake kuSeiri. 17 Asi Jakobho akaenda kuSukoti akambovaka musha wake namatanga ezvipfuwo zvake ikoko. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Sukoti. 18 Jakobho akasvika zvakanaka kuShikemu munyika yeKanani achibva kuMesopotamia, akasvikodzika matendhe ake pedyo neguta reShikemu. 19 Jakobho akatenga katunhu ikako kaakadzika matendhe ake kuna Hamori baba waShikemu. Akabvisa zana remari yamapesita yesirivha. 20 Akavaka atari ipapo akaitumidza zita rokuti Erieroheisiraeri. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe