Eksodo 8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Tenzi ndokubva ataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao undoti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata. 2 Chinzwa, kana ukavarambidza kuenda, ndichapa nyika ino dambudziko rebvakanyira ramatafi. 3 Nairi urwu ruchazara kuti shutu namatafi. Achabudamo achindopinda mumba mako nomumba mako mokuvata, napamubhedha wako nomudzimba dzamachinda ako nedzavanhu vako nemaunokanyira zvingwa nemaunozvibikira. 4 Matafi achakwakukira pauri iwe napavanhu vako napamachinda ako ose.’ ” 5 Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira tsvimbo yako pamusoro penzizi nemigero namadziva kuti matafi auye panyika yeIjipiti.’ ” 6 Naizvozvo Aroni akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro pemvura yeIjipiti, matafi akabuda akabva aita bvakapfaka kuzara nyika yeIjipiti yose. 7 Asi n'anga dzakaitawo izvozvo namashiripiti adzo dzikaburitsa matafi mumvura akaenda munyika yeIjipiti. 8 Farao akadaidza Mosesi naAroni akati, “Ndikumbirireiwo kuna Tenzi kuti andibvisirewo zvangu ini navanhu vangu, matafi aya, ini ndigobvumidzawo vaIsiraeri kundopira zvavo Tenzi chibayiro.” 9 Mosesi akataurira Farao achiti, “Ndichaita zvamareva. Ko ndokunamatirai rini, imi namachinda enyu navanhu venyu kuti mubvisirwe matafi, abve mudzimba dzenyu, asare muna Nairi chete?” 10 Iye ndokuti, “Ita izvozvo mangwana!” Mosesi akati, “Tichaita saizvozvo. Ndipo pamuchazoziva kuti hakuna mumwe mwari angafananidzwe naTenzi, Mwari wedu. 11 Matafi achabviswa kwamuri. Achabviswa mudzimba dzenyu, nedzamachinda enyu nedzavanhu venyu. Achangosara muna Nairi chete.” 12 Mosesi naAroni vakabva pana Farao paya. Mosesi akachema kuna Tenzi sokubvumirana kwaakanga aita naFarao achimukumbira kuti abvise matafi aakanga aunza kuna Farao. 13 Tenzi akaita zvakanga zvakumbirwa naMosesi. Matafi akapera kufa mudzimba nomuzvivanze nomuminda. 14 VaIjipiti vakaaunganidza vachiita matutu matutu, nyika ikati kutu kunhuhwa. 15 Sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi, Farao paakaona kuti dambudziko iri rapera, akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni. Umhutu 16 Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iti Aroni atambanudze tsvimbo yake arove nayo pasi patibuke guruva rive umhutu munyika yose yeIjipiti.” 17 Vakaita saizvozvo. Aroni akatambanudza ruoko rwake rwaiva netsvimbo yake ndokurova ivhu pasi, umhutu hukati uya tiende pavanhu nemhuka. Guruva rose rakanga rava umhutu munyika yose yeIjipiti. 18 N'anga dzakaita mashiripiti adzo. Dzakaedzawo kuita umhutu dzikatadza. Umhutu ihwohwo hwaiva pose pose huchimomotera vanhu nezvipfuwo. 19 N'anga idzi dzakanyevera Farao dzichiti, “Changamire, Mwari bedzi ndiye aita izvi.” Sokureva kwakanga kwaitwa naTenzi, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni. Nhunzi 20 Tenzi akati kuna Mosesi, “Mangwana, fumoenda kuna Farao undosangana naye paanenge achienda kurwizi, uti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata. 21 Kana ukavarambidza kuenda, ndichaunza bute renhunzi, dzichamomera pauri iwe namachinda ako, navanhu vako, dzichizaridzana mudzimba dzavaIjipiti, dzichiitawo fararira napasi. 22 Asi musi iwoyo, zvandichaita kudunhu reGosheni kugere vanhu vangu ndichazvisiyansisa nokumwe. Mapute enhunzi acho haasviki ikoko. Ndipo pauchazoziva kuti ini Tenzi ndiri mukati menyika ino. 23 Zvandichaitira vanhu vangu zvichasiyana nezvandichaita kuvanhu vako. Chiratidzo ichi ndichachiita mangwana.’ ” 24 Tenzi akaita izvozvo. Nhunzi dzakazaridzana mumba maFarao nomudzimba dzamachinda ake nomunyika yose yeIjipiti. Nyika yose ikasemesa namapute enhunzi. 25 Farao akadaidza Mosesi naAroni akati, “Endai zvenyu mupire Mwari wenyu zvibayiro, asi muri munyika muno.” 26 Asi Mosesi akati, “Hatingadaro nokuti zvibayiro zvatichapira Tenzi, Mwari wedu, hazvidiwi navaIjipiti. Zvino tikapira Tenzi zvibayiro vaIjipiti vachiona, handiti vangatishatirirwe vakatitema namabwe tikafa. 27 Regai tiende rwendo rwamazuva matatu murenje, tindopira Tenzi, Mwari wedu zvibayiro nokuti ndizvo zvaakatirayira.” 28 Farao akati, “Ndinokubvumirai kundopira Tenzi, Mwari wenyu muri murenje, asi regai kuenda kure. Mundinamatirewo.” 29 Mosesi akati, “Zvakanaka, ini ndichabva pano ndichindokumbira Tenzi kuti mangwana mapute enhunzi abve pana Farao namakurukota ake navanhu vake. Asi dai mambo mukarega kuita zvakare zvokutibata zvenyu kumeso imi muchizorambidza zvenyu vaIsiraeri kundopira Tenzi zvibayiro zvavo.” 30 Mosesi akabva pana Farao akandonamata kuna Tenzi. 31 Tenzi akaita zvakakumbirwa naMosesi akabvisa mapute enhunzi pana Farao namachinda ake navanhu vake. Hakuna kana nenhunzi imwechete yakasara. 32 Kunyange ipapa, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vaende. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe