Eksodo 37 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKugadzirwa kwebhokisi rechitenderano ( Kub 25:10–22 ) 1 Bhezarieri akatora mapango omuunga akagadzira bhokisi rechitenderano. Rakanga riri zana ramasendimita rina masendimita gumi kureba, hwasha hwaro huchiita makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu, udzami hwaro huchiitawo makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu. 2 Rakanamirirwa nendarama chaiyo yakanakisisa mukati nokunze ndokuriitira mukombero wendarama kumusoro kwaro. 3 Akarigadzirira maringi mana endarama okuisa mumakona mana ebhokisi. Akaisa maringi iwayo pamakona mana ebhokisi akati uku maviri uku maviri. 4 Akaveza mapango omuunga, akaatsvetera nendarama. 5 Akapfekera mapango iwayo okutakurisa bhokisi rechitenderano mumaringi aiva pamativi aro. 6 Akagadzirawo hwidibiro yaro yendarama chaiyo yakanakisisa, urefu hwayo hwaiita zana ramasendimita rina masendimita gumi, hwasha hwaro huchiita makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu. 7 Akatora ndarama akapfura mifananidzo miviri yezvimwe zvisikwa zvinonzi makerubhu, akazvigadzira zviri pamativi maviri ehwidibiro. 8 Akanamira makerubhu iwayo pahwidibiro akati rimwe kerubhu kwokupedzesera uku, rimwe kerubhu kwokupedzeserawo uku. Akaagadzira akabatana nayo zvokuti aiva chinhu chimwechete nehwidibiro. 9 Makerubhu iwayo akanga akatarisa pahwidibiro akatarisana akasimudzira mapapiro awo kumusoro akafukidza hwidibiro. Teburu yechingwa chapana Mwari ( Kub 25:23–30 ) 10 Akagadzirawo teburu yomuti womuunga, urefu hwayo hwaiita makumi masere amasendimita ana masendimita masere, upamhi hwayo huchiita masendimita makumi mana ana masendimita mana, udzami hwayo huchiita masendimita makumi matanhatu ana masendimita matanhatu. 11 Akainamirira ndarama chaiyo yakanakisisa, ndokuipendera nendarama mativi ose. 12 Akaigadzirira mupendero waiipoteredza waiva noupamhi sehwechanza, akaisa kamutsetse kendarama kunze kwawo kakapoteredza mupendero iwoyo. 13 Akaigadzirira maringi endarama mana okupfekera mapango okuitakurisa, akaaisa pamakona mana apamakumbo ayo. 14 Maringi anopfekerwa mapango okutakurisa teburu akaaisa pedyo nomupendero uya. 15 Akaveza mapango omuunga okutakurisa teburu yacho, akaanamira nendarama. 16 Akaigadzirira midziyo yendarama chaiyo yakanakisisa yokushandisa patafura ipapa. Akagadzira ndiro nembiya namajagi omupiro wokuteura. Kugadzirwa kwechigadzikiro chomwenje cheminora ( Kub 25:31–40 ) 17 Akagadzirawo chigadzikiro chomwenje, cheminora chendarama chaiyo yakanakisisa, pamwechete negaro racho nehunde yacho akazvigadzira achiita zvokupfura. Maruva acho akazaruka namamwe asati azaruka, akanga akabatanidzwa nacho kuita chinhu chimwechete. 18 Chaiva namapazi matanhatu aibva pachiri, chaiti uku matatu, uku matatu. 19 Bazi rokutanga, kune rumwe rutivi, rakanga rakanamatidzwa maruva matatu ainge maruva omuarimondi akazaruka neasati azaruka. Bazi rechipiri kune rumwewo rutivi rakanga rakanamirirwa maruva akazaruka neasati azaruka. Zvakaitwa zvimwechetezvo pamapazi ose ari matanhatu. 20 Hunde yechigadzikiro pachayo pakanamatidzwa maruva mana ainge maruva omuarimondi akazaruka naasati azaruka. 21 Pose pose paisangana hunde namapazi maviri maviri nechepasi pawo, ose ari matanhatu, pakange pakanamatidzwa ruva rimwechete risati razaruka. 22 Chigadzikiro ichocho namapazi acho namaruva acho zvaiva zvendarama chaiyo yakanakisisa, zvakabatanidzwa zviri chinhu chimwechete. 23 Akagadzira marambi manomwe okuisa pachigadzikiro ichi, nezvigero zvokuchekesa tambo dzamarambi netireyi dzendarama chaiyo yakanakisisa. 24 Akachigadzira pamwechete, nemimwe midziyo yacho yose nendarama chaiyo yakanakisisa yairema makumi matatu amakirogiramu ana makirogiramu mashanu. Kugadzirwa kweatari yokupisira rusenzi ( Kub 30:1–5 ) 25 Akaveza mapango omuunga ndokugadzira atari yokupisira rusenzi. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana. Urefu hwayo hwaiva masendimita makumi mana ana masendimita mashanu, upamhi hwayo huchiita masendimita makumi mana ana masendimita mashanu. Kukwira kwayo mudenga kwaiita masendimita makumi mapfumbamwe. Zvinenge nyanga zviri pamusoro pamakona ayo zvakavezwa zvakabatanidzwa nayo. 26 Atari iyoyo yakanamirirwa nendarama chaiyo yakanakisisa nenhivi dzayo dzose nezvinenge nyanga zviya zvapamusoro pamakona ayo. Pamusoro peatari pakapenderwa nomukombero wendarama. 27 Akagadzira maringi mana endarama akaanamatidza panyasi pomukombero wayo uya, achiti uku maviri uku maviri, ndimo mukupfekera mapango aye okuitakurisa nawo. 28 Akaveza mapango omuunga, akaanamirira ndarama. Kugadzira rusenzi namafuta okuzodza nawo ( Kub 30:22–38 ) 29 Akagadzira mafuta anoera okuzodza nawo. Akagadzirawo rusenzi runonhuhwirira zvakanaka sezvinoita vagadziri vamafuta anonhuhwira. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe