Eksodo 31 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMhizha dzokugadzira tendhe rinoera ( Kub 35:30 ; 36:1 ) 1 Tenzi akati kuna Mosesi, 2 “Chionaka ndasarudza ndikadomawo nezita Bhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri, wedzinza rokwaJudha, 3 ndikamuzadza nomweya waMwari. Ndamupa kunzwisisa uye njere kuti agone kuita mabasa ose oumhizha anoti, 4 kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira 5 nokuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu nokuvezawo miti nokuita mamwewo mabasa oumhizha. 6 Ndasarudzawo Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, wedzinza rokwaDhani kuti abatsirane naBhezareri. Ndapa dzimwe mhizha ungwaru hwokuti dzigone kugadzira zvose zvandakarayira kuti zviitwe zvinoti, 7 tendhe rokusanganira, nebhokisi rechitenderano, nehwidibiro yaro yokurikwidibirisa kwouya zvose zvomutendhe rokusanganira zvinoti, 8 teburu nemidziyo yayo, nechigadzikiro chomwenje chakagadzirwa nendarama chaiyo yakanakisisa pamwechete nemidziyo yacho yose neatari yokupisira rusenzi, 9 kwoti atari yokupisira zvibayiro pamwechete nemidziyo yayo yose, nedhishi rokushambira pamwechete nechigadzikiro charo, 10 kwouyawo hanzu dzinoera dzakanyatsorukwa dzomupristi Aroni nehanzu dzavanakomana vake dzavanopfeka pavanoita basa roupristi, 11 kwozoti mafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira rwomunzvimbo inoera, ngazviitwe sokukurayira kwandakuita.” Sabata, zuva rokusabata basa 12 Tenzi akataurira Mosesi kuti, 13 “Iwe taurira vaIsiraeri uchiti, ‘Chengetai maSabata angu nokuti ndiwo mucherechedzo wangu nemi uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose, wokuratidza kuti ini Tenzi ndini ndakakusarudzai kuti muve vanhu vangu vatsvene.’ 14 Munofanira kuchengeta Sabata nokuti izuva rinoera kwamuri. Anorin'oresa ngaaurayiwe, kuwana anoshanda pazuva iroro, ngaachekaniswe ukama navanhu wokwakwe. 15 Basa ngariitwe zvaro mumazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokunyatsozorora, izuva rinoera rinoereserwa Tenzi. Kuwana anoita basa pazuva irori, anofanira kutourayiwa. 16 Saka vaIsiraeri ngavachengete Sabata pazvizvarwa zvavo zvose ngavachengete sechitenderano chokugara nokugara. 17 Iwoyo mucherechedzo wechitenderano changu navaIsiraeri narini wose wokuti ini Tenzi ndakasika denga napasi pamazuva matanhatu, pazuva rechinomwe ndikarega kuita basa ndikafurwa zvangu nemhepo.” 18 Mwari akapedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akabva amupa mafendefa maviri echitenderano, matombo maviri akanyorwa noruoko rwaMwari. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe