Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 17 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mvura yakabuda padombo
( Kuve 20:1–13 )

1 Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo rwaro kubva muRenje reSini vakafamba vachiti apa garei vosimudzira, apa garei vosimudzira sezvainge zvataurwa naTenzi. Vakazondodzika matendhe avo paRefidhimu. Asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.

2 Vanhu ndokubva vapopotera Mosesi vachiti, “Tipe mvura yokunwa!” Mosesi akati, “Nemhosva yeiko imi muchindipopotera? Ko munoedzereiko Tenzi muchidaro?”

3 Vanhu vose vakanzwa nenyota yemvura, vakapopotera Mosesi vachiti, “Makatibvisirei kuIjipiti? Heya makatibvisira kuzotiurayisa zvenyu nenyota nhai? Saka munoda kutiurayisa nenyota isu navana vedu nezvipfuwo zvedu nhai?”

4 Mosesi akachema kuna Tenzi achiti, “Ndoita seiko navanhu ava? Vachanditema zvino uno namabwe.”

5 Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora tsvimbo yako iye yawakamborova nayo mvura yomuna Nairi uende mberi kwegungano ravanhu uine vamwe vakuru vakuru vavaIsiraeri.

6 Ini ndichamira mberi kwako ikoko padombo riri kuHorebhu, urove dombo iroro, mvura ibude, vanhu vanwe.” Mosesi akaita saizvozvo vakuru vakuru vevaIsiraeri vachiona.

7 Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, Masa neMeribha, pamusana pokupopota kwavaIsiraeri nokuedza kwavakaita Tenzi vachiti, “Ko Tenzi achinesu here kana kuti kwete?”


Kurwa kwavaIsiraeri navaAmareki

8 VaAmareki vakauya vakarwisa vaIsiraeri paRefidhimu.

9 Mosesi akati kuna Joshuwa, “Tisarudzire varume mundorwisa vaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndakabata tsvimbo yaTenzi muruoko.”

10 Joshuwa akaita zvaakanga audzwa naMosesi, akandorwisa vaAmareki. Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.

11 Zvaiitika ndezvokuti painge Mosesi akasimudza maoko ake mudenga, vaIsiraeri vaibva vava kukunda; asi paingewo Mosesi adzorera maoko ake pasi, vaAmareki vaibvawo vava kukunda.

12 Mosesi akazoneta akatadza kuramba akasimudza maoko ake. Aroni naHuri vakakungurutsa ibwe rokuti Mosesi agare, Mosesi akagara pabwe. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakati mumwe uku mumwe uku, vakaasimudzira mudenga. Maoko ake akanga akatsigirwa kusvikira zuva radoka.

13 Naizvozvo Joshuwa akakatakazha nebakatwa vaAmareki navarwi vavo.

14 Tenzi akati kuna Mosesi, “Nyora nyaya yehondo yarwiwa pano mubhuku kuitira kuti zvizorangarirwa. Taurira Joshuwa izvi azvinzwe nenzeve dzake kuti ndichaparadza vaAmareki zvachose zvokutsakatisa zita ravo panyika.”

15 Mosesi akavaka atari akaitumidza zita rokuti, “Tenzi ndiye anondipa simba rokukunda naro.”

16 Akati, “Pamusana pokuti ruoko rwanga rwakasimudzirwa kuchigaro chaTenzi, choumambo Tenzi achagarawo achirwisa vaAmareki pazvizvarwa zvavo zvose.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements