Eksodo 15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaRwiyo rwaMosesi 1 Mosesi navaIsiraeri vakabva vaimbira Tenzi rwiyo urwu vachiti: “Ndichaimbira Tenzi nokuti akurira zvino mukurumbira, ngoro dzehondo navachairi vadzo, azviti mugungwa bvuva bvuva. 2 Tenzi ndiye simba rangu, ndiye rwiyo rwangu, ndiye mununuri wangu, iyeyu Mwari wangu wandinorumbidza, Mwari wababa vangu wandinopemberera. 3 Tenzi igamba rehondo, Tenzi ndiro zita rake. 4 “Akakandira mugungwa ngoro dzehondo, ngoro dzaFarao nehondo yake, nyanzvi dzamasoja ake mugungwa Dzvuku akadzindondomesa 5 mvura zhinji ikavanyudza vakanyura pasi pasi kuti vido sebwe! 6 Rudyi rwenyu Tenzi, ruoko rune simba rinotyisa. Rudyi rwenyu Tenzi, runopwanya-pwanya vavengi. 7 “Noumambo hwenyu huno mukurumbira, munobwadutsira pasi mhandu dzenyu. Hasha dzenyu dzinovavirukira dzichivaroromesa samashanga. 8 Nehasha dzenyu makangoti furidzei, mvura ndiye unga unga kuungana. Mvura yegungwa yakati dzuu kumira sechidziro. Mvura zhinji pakati pegungwa yakanyatsoti twi kumira. 9 Muvengi akati, ‘Regai ndivatevere ndivabate, ndigoveranise zvandinenge ndapamba, ndichitorawo zvandinoda. Ndichavaburitsira muhara bakatwa rangu, ndivakatakazhe noruoko rwangu, vanyatsopera kuti dhuu.’ 10 Asi imi makafuridza gungwa rikanyudza vaIjipiti, vakanyura somutobvu mumvura zhinji. 11 Pana vamwari vose, ndiani angaenzaniswe nemi Tenzi? Ndianiko ano mukurumbira woutsvene semi, ano mukurumbira unotyisa ukadai, muiti wamabasa anoshamisa? 12 Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikamedza vavengi vedu. 13 Vanhu vamakanunura munovatungamirira, munovatungamirira nomwoyochena wenyu. Munovatungamirira nesimba renyu munovaperekedza kunyika yenyu inoera. 14 Ndudzi dzavanhu dzakazvinzwa dzikadedera zvikuru, vaFirisitia vabatwa nokutya kukuru. 15 Vakuru vakuru veEdhomu vadumbirwa nokutya. Machinda avaMoabhu ari kudedera, vanhu vomuKanani vaparara nokutya. 16 Zvava kungoti kutya zvikati kudedera vadumbirwa nazvo vachiti nazvo papata sedombo nokutya, pamusana pesimba renyu guru, kusvikira vanhu venyu Tenzi vapfuura pavari, kusvikira vanhu venyu vamakanunura muuranda, vapfuura pavari. 17 Muchaenda navo mugovasima pagomo renyu. Ndiyo nzvimbo yamakasarudza imi Tenzi kuti ive musha wenyu, Nzvimbo Inoera yamakagadzirira namaoko enyu. 18 Tenzi achatonga kusvikira narini narini.” 19 Ngoro dzehondo dzaFarao dzamabhiza navachairi vadzo padzakapinda mugungwa, Tenzi akavati fuse fuse nemvura, asi vaIsiraeri vakayambuka vachitsika zvavo pasi pakaoma. Rwiyo rwaMiriamu 20 Muprofita Miriamu, hanzvadzi yaAroni, akatora katambureni kake, vanhukadzi vose vakabva vamutevera vachiridzawo tambureni dzavo vachitamba. 21 Miriamu akashaura vachiti; “Imbirai Tenzi nokuti akurira, akurira zvino mukurumbira, ngoro dzehondo navachairi vacho azviti mugunwa bvuva bvuva.” II: RWENDO RWAVAISIRAIERI MURENJE Mvura yapaMara yaikarakata kuvava 22 Mosesi akatungamirira vaIsiraeri kubva paGungwa Dzvuku vachienda kurenje reShuru. Vakafamba mazuva matatu vari murenje iroro vasina pavakawana mvura. 23 Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara. 24 Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?” 25 Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here 26 akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.” 27 Vakazondosvika kuErimu paiva namatsime gumi namaviri. Paivawo nemiti yomurara makumi manomwe. VaIsiraeri vakadzika matendhe avo ipapo paiva nemvura. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe