Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 14 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


VaIsiraeri vanoyambuka Gungwa Dzvuku

1 Tenzi akati kuna Mosesi,

2 “Udza vaIsiraeri vadzoke mundodzika matendhe enyu pakatarisana neguta rePihahiroti, pakati peMigidhori negungwa, pedyo neguta reBhaarizefoni, mudzike matendhe enyu ipapo pedyo negungwa.

3 Farao achafunga kuti vaIsiraeri vari kudzungaira munyika, rerenje ravakomberedza.

4 Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo akuteverei. Ini ndichawana mbiri nokukurira kwandichaita Farao nehondo yake yose. VaIjipiti ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.” VaIsiraeri vakabva vaita saizvozvo.

5 Mambo weIjipiti paakaudzwa kuti vanhu vaye vatiza, iye namachinda ake vakasanduka mwoyo vakati, “Ko chiiko chatakaita? Takakanganisa, takarega vaIsiraeri vachienda zvavo vachisiya kutiitira basa.”

6 Farao akarongedzera ngoro yake akakukuchana nehondo yake.

7 Akatevera vaIsiraeri ane ngoro dzake dzose dzehondo. Paiva nengoro mazana matanhatu, dzino chaidzo dzamandiriri nedzimwe ngoro dzehondo dzose dzeIjipiti, pangoro paine varwi vano chaivo vatatu vatatu.

8 Tenzi akaita kuti Farao mambo weIjipiti aomese mwoyo, akabva atevera vaIsiraeri, asi vaIsiraeri vakanga vatoenda zvavo iyo misoro iri mudenga vasingakatari.

9 VaIjipiti vakaronda vaIsiraeri. Vakanga vaine ngoro dzose dzaFarao dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo nehondo yake. Vakabatira vaIsiraeri vave kuPihahiroti pakatarisana neBhaarizefoni vari pamatendhe avo pedyo negungwa.

10 Farao paakanga oswedera pedyo navo, vaIsiraeri vakacheuka, onei vaIjipiti vakarongana vachivatevera, vakatya kwazvo vakachema kuna Tenzi.

11 Vakati kuna Mosesi, “Ko iko kuIjipiti kwakanga kusina makuva here zvawakatitora ikoko kuti tifire murenje muno? Iyewe ndiwe wakatiburitsa muIjipiti, zvino chawakatiitira chii ipapa?

12 Handiti ndizvozvi here zvatakakuudza tichiri muIjipiti kuti siyana nesu, utirege tishandire vaIjipiti. Zvaitova nani kuti tishandire vaIjipiti pano kufira murenje.”

13 Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve.

14 Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.”

15 Tenzi akati kuna Mosesi, “Uri kuchemereiko kwandiri? Udza vaIsiraeri kuti varambe vachifamba.

16 Iwe usimudzire tsvimbo yako pamusoro pegungwa, ukamuranise mvura napakati vaIsiraeri vayambuke gungwa napakaoma.

17 Asi ndichaita kuti vaIjipiti vakakavare mumwoyo, vakuteverei. Ini ndichawana mbiri nokukurira kwandichaita Farao nehondo yake nengoro dzake dzehondo navachairi vadzo, ndichazoremekedzwa kwazvo.

18 Kana ndichinge ndakurira Farao nengoro dzake navachairi vadzo, vaIjipiti vachazoziva kuti ini ndini Tenzi.”

19 Mutumwa waMwari akanga akatungamirira vaIsiraeri, vari hondo yavanhu, akabva pamberi paakanga ari akaenda shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi ikandomira yave shure kwavo.

20 Yakandomira pakati pehondo yavaIjipiti nehondo iya yavaIsiraeri. Gore iroro rakanga rakati rima kwindi. Usiku ihwohwo hwose hwakapera vaIjipiti navaIsiraeri vasina kukwanisa kurwisana.

21 Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Tenzi akaunza mhepo ine simba yaibva kumabvazuva, ikavhuvhuta usiku ihwohwo hwose, ikamisa mvura yomugungwa kuenda kwayaiyererera, ikaikamuranisa pakave napasi pakaoma mugungwa.

22 VaIsiraeri vakabva vayambuka gungwa vachifamba napasi pakaoma, mvura yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo.

23 VaIjipiti vakatevera nengoro dzavo dzose dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo vakapindawo mukati megungwa imomo.

24 Mambakwedza Tenzi akatarisa hondo yavaIjipiti ari muzirimi romoto mushongwe yegore akakangaidza hondo yavaIjipiti

25 achiita kuti ngoro dzavo dzehondo dzinyure. VaIjipiti vakazoti, “Varume, ngatitizei vaIsiraeri avo nokuti Tenzi ari kuvarwira achitirwisa.”

26 Pakarepo Tenzi akati kuna Mosesi, “Simudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa mvura idzokere pakare, inyudze vaIjipiti vose nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.”

27 Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa. Kwava kuedza, mvura yegungwa ndiye dhuma kudzokerana pakare somugariro wayo. VaIjipiti ndokuti gumbo ndibereke votiza, mvurawo ikati uya tiende yochingurana navo, Tenzi ndokuvati fuse fuse nemvura pakati pegungwa.

28 Mvura yakadzokera pakare ikanyudza ngoro dzehondo navachairi vadzo nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivatevera. Hakuna kunyange mumwechete zvake akapunyuka.

29 Asi vaIsiraeri vakafamba napasi pakaoma mukati megungwa. Mvura yakanga yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo.

30 Pazuva iroro, Tenzi ndiko kuponesa kwaakaita vaIsiraeri vakanga vateverwa navaIjipiti. VaIsiraeri vakazoona zvitunha zvavaIjipiti vaya kumahombekombe kwegungwa.

31 VaIsiraeri pavakaona simba guru raTenzi richiparadza vaIjipiti vakatya Tenzi. Vakadavira munaTenzi, uye Mosesi muranda wake.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements