Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Matangwe ndeaMwari

1 Tenzi akati kuna Mosesi,

2 “Matangwe ose echirume anofanira kupiwa kwandiri sechinhu chinozogara chichinzi ndechangu. Chii zvacho chevaIsiraeri chinenge chatanga kuberekwa, pavanhu kana pazvipfuwo, ndechangu.”


Mazuva makuru echingwa chisina mbiriso

3 Mosesi akataurira vaIsiraeri achiti, “Rangarirai zuva ramakabuda muIjipiti kwamaiva muuranda nokuti Tenzi akakubvisaimo nesimba rake guru, naizvozvo hamubvumirwe kudya chingwa chine mbiriso.

4 Nhasi mumwedzi uno waAbhibhi, mava kuzobuda muIjipiti.

5 “Kana Tenzi akazokusvitsai kunyika yaakatsidzira madzitateguru enyu kuzokupai, nyika yavaKanani navaHiti navaHivhi navaJebhusi, nyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kupemberera ikoku ngakuitwe mumwedzi iwo uno.

6 Kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso chete, pazuva rechinomwe muchiita mabiko okupemberera Tenzi.

7 Mumazuva manomwe iwayo idyai chingwa chisina mbiriso, ngamurege kuva nomunhu anowanikwa aine mbiriso kana chingwa chine mbiriso munyika yenyu yose.

8 Munozofanira kuudza vana venyu pazuva iroro kuti, ‘Zvinhu izvi, tiri kuzviita pamusana pezvatakaitirwa naTenzi patakabva kuIjipiti.’

9 Mabiko iwayo achaita sechiratidzo chakasungirirwa paruoko rwako kana kuti sechiyeuchidzo chakasungirirwa pahuma yako kuti mutemo waTenzi usabve pamuromo pako nokuti Tenzi akakuburitsai muIjipiti nesimba rake guru.

10 Nokudaro chengetai murao iwoyu gore negore panguva yawo yakatarwa.


Matangwe

11 “Kana Tenzi azokuunzai kunyika yevaKanani sokutsidza kwaakaitira imi namadzibaba enyu achiipa kwamuri,

12 imi munofanira kuzoturira kuna Tenzi chose zvacho chinenge chatanga kuberekwa. Pazvipfuwo zvenyu zvose, mikono yose inotanga kuberekwa ndeyaTenzi.

13 Asi kana iri mhuru yedhongi hono, inenge iri yokutanga kuberekwa, inunurei nehwayana. Kana mukarega kuinunura imonyei mutsipa ife. Matangwe ose avanhu echirume ngaanunurwe.

14 Kana mwanakomana wako akazokubvunza mune ramangwana achiti, ‘Ko izvi zvinoreveiko?’ Iwe iti, ‘Tenzi akatiburitsa nesimba rake guru muIjipiti mataitambura tiri muuranda.

15 Farao paakaomesa mwoyo achitirambidza kubuda, Tenzi akauraya matangwe echirume ose munyika yeIjipiti kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kumatangwe ezvipfuwo. Ndokusaka ndichitora zvipfuwo zvose zvinotanga kuberekwa ndichizviita chibayiro kuna Tenzi. Asi vana vedu vakomana vanenge vari matangwe tinotovanunura.

16 Izvozvi zvichaita sechiyeuchidzo chiripamaoko enyu kana kuti pahuma dzenyu chokuti Tenzi akatiburitsa muIjipiti nesimba rake guru.’ ”


F. KUBUDA KWAVAISIRAERI MUIJIPITI Shongwe yegore nezirimi romoto

17 Kuzoti Farao abvumira vaIsiraeri kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira kuenda nenzira inopfuura nomunyika yevaFirisitia kunyange zvayo yakanga iri iyo pfupi nokuti Mwari akati, “Vangasangane nehondo vakafunga napamwe vakadzokera kuIjipiti.”

18 Saka Mwari akavatungamirira vakaenda nenzira inopoterera inoenda nokurenje yakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsiraeri vakabuda muIjipiti vakapakata zvombo zvavo zvehondo.

19 Mosesi akatora mapfupa aJosefi akaenda nawo nokuti iye Josefi akanga ati vaIsiraeri vapike kuzoita izvozvi achiti, “Ndinoziva kuti Mwari achauya kuzokununurai, zvino kana moenda takurai mapfupa angu muendewo nawo.”

20 VaIsiraeri vakasimudzira rwendo rwavo vobva paSukoti vakandodzika matendhe avo vave kuEtamu, nzvimbo iri kumucheto werenje.

21 Masikati Tenzi aivatungamirira neshongwe yegore, usiku achivatungamirirawo nezirimi romoto raivavhenekera nzira kuti vagone kufamba masikati kana usiku.

22 Shongwe yegore yairamba ichivatungamirira masikati, zirimi romoto richivatungamirira usiku.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements