Online Bible

- Advertisements -


Numeri 9 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Pasika yechipiri

1 Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavaIsiraeri munyika yeIjipiti achiti,

2 “VaIsiraeri ngavachengete zuva guru rePasika panguva yayo yakatemwa.

3 Richengetei pazuva regumi nechina romwedzi uno, kubvira zuva rodoka muchitevedza mirao nezvirongwa zvaro zvose.”

4 Naizvozvo Mosesi akandoudza vaIsiraeri kuti vachengete zuva guru rePasika.

5 VaIsiraeri vakachengeta zuva guru rePasika pamwedzi wechiposhi murenje reSinai kubvira zuva rodoka pazuva regumi nechina romwedzi iwoyo. Vakaita zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi.

6 Asi kwakava navamwe varume vakanga van'ora nokuti vakanga vabata chitunha. Varume ivavo vakanga vasisakwanisi kuchengeta Pasika pazuva iroro. Vakaenda kuna Mosesi naAroni

7 vakandoti, “Isu takan'ora nokuti takabata chitunha. Asi tinorambidzirweiko kupira Tenzi mipiro panguva yakatemwa pamwechete navamwe vedu vaIsiraeri.”

8 Mosesi ndokuti, “Chimbomirai kusvikira ndanzwa zvandichapiwa naTenzi.”

9 Tenzi akataurira Mosesi achiti,

10 “Taurira vaIsiraeri uchiti ani naani wenyu kana mumwe wechizvarwa chenyu anenge abata chitunha chikamun'oresa, nyangwe anenge ari kure, ari parwendo, kana achida kuchengeta Pasika yaTenzi,

11 anofanira kuzoichengeta. Ngavaichengete mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechina zuva rodoka, vaidye pamwechete nemiriwo inovava nechingwa chisina mbiriso,

12 havafanire kusiya kana chii zvacho chayo kusvikira mangwana. Hapana pfupa rechibayiro rayo rinofanira kutyorwa. Ngavaichengete vachitevedza mirao yayo yose.

13 Asi ani naani anenge asina kun'ora anenge asiri parwendo anenge arega kuchengeta Pasika atozvichekanisa ukama novokwake nokuti haana kundipa mupiro wake panguva yakatemwa, acharangirwa chitadzo chake.

14 “Kana mutorwa wamugere naye akada kuchengeta zuva guru rePasika, ngaachengetewo mirao nezvirongwa zvayo zvose. Murao iwoyo ngauchengetwe nemunhu wose, muIsiraeri kana mutorwa.”


VaIsiraeri vanotungamirirwa neGore masikati, usiku nomoto
( Kub 40:34–38 )

15 Pazuva rakadzikwa tendhe rinoera gore rakauya rikafukidza tendhe rouchapupu. Usiku gore raitarisika somoto kusvikira kwaedza.

16 Saka nguva dzose tendhe iroro rainge rakafukidzwa negore masikati, usiku nechainge moto.

17 Paingosimuka gore iroro patendhe, vaIsiraeri vaibva vatama vachindodzika matendhe avo paraindomirira.

18 Kutama kwavaIsiraeri panzvimbo nokudzika matendhe kwavo pane imwe nzvimbo kwaitoitwa kana kwabva shoko kuna Tenzi. Kwaiti gore rikaramba rakafukidza tendhe rinoera, vaIsiraeri vairambawo vakadzika matendhe avo ipapo.

19 Kunyange gore parairamba rakafukidza tendhe rinoera kwenguva ndefu vaiteerera Tenzi vachiramba varipo.

20 Dzimwe nguva gore raifukidza tendhe rinoera kwamazuva mashoma; vaIsiraeri vaitama kana kuramba varipo maererano neshoko rainge rabva kuna Tenzi.

21 Dzimwe nguva gore raingorifukidza kubvira manheru kusvikira mangwanani. Paisimuka gore mangwanani vaibva vasimudzirao rwendo rwavo, kana rainge raramba riripo masikati nousiku; parainge razosimuka, ndopavaibva vasimudzirawo rwendo rwavo.

22 Kana dai kwaipera mazuva maviri, kana mwedzi, kana gore kana nguva ndefu gore rakafukidza tendhe rinoera, vaIsiraeri vairamba vari pamatendhe avo, vasingasimudzire rwendo rwavo. Asi paraisimuka vaibva vasimudzira rwendo rwavo.

23 Kudzika matendhe kwavo nokutama kwavo, kwaitoitwa kana kwabva shoko kuna Tenzi vachiteerera zvainge zvatemwa naTenzi sokutaurirwa kwainge kwaitwa Mosesi naTenzi.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements