Numeri 36 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaNhaka yavanhukadzi vanenge vakaroorwa 1 Vakuru vakuru vomumhuri dzaGireadhi mwanakomana waMakiri, wedzinza rokwaManase, wemhuri dzokwaJosefi vakataura pana Mosesi navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri 2 vachiti, “Changamire, Tenzi akuudzai kuti mugovere vaIsiraeri nyika dzenhaka yavo nechin'ange. Makaudzwawo naTenzi kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake. 3 Zvino kana vakazoroorwa navakomana vamamwe madzinza avaIsiraeri, nhaka yavo ichazotorwa panhaka yamadzibaba edu yoendeswa kudzinza ravanenge vaenda. Ipapo tichatorerwa nhaka yamadzibaba edu yatakagoverwa. 4 Naizvozvo panozosvika gore ravaIsiraeri reHwamanda nhaka yavanenge vapiwa ichawedzerwa kunhaka yedzinza kwavanezenge varoorwa. Saka nhaka yavo ichabviswa munhaka yedzinza ramadzibaba edu.” 5 Mosesi akapa vaIsiraeri murao waTenzi achiti, “Zviri kutaurwa nevedzinza revana vaJosefi ndizvo chaizvo. 6 Zvataurwa naTenzi panyaya yavanasikana vaZerofehadhi ndezvizvi: zvokuti ngavaroorwe zvavo navarume vavanoda, asi vanovaroora ngavave vomudzinza rababa vavo. 7 Naizvozvo nhaka yavaIsiraeri ngairege kuzobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe nokuti mumwe nomumwe wavaIsiraeri anofanira kuramba akati kwati nenhaka yamadzibaba ake. 8 Mwanasikana wose ane nhaka mudzinza ripi neripi ravaIsiraeri ngaaroorwe nomurume wemhuri yomudzinza rababa vake kuitira kuti muIsiraeri wose agare ari munhaka yamadzibaba ake. 9 Saka hakuna nhaka inozobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nokuti dzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri richaramba rakati kwati nenhaka yaro pacharo.” 10 Vanasikana vaZerofehadhi vakaita zvakaudzwa Mosesi naTenzi. 11 Vanasikana vaZerofehadhi ava vaiti Mahara naTiriza naHogira naMirika naNowa vakaroorwa nehanzvadzi dzavo dzokumadzibabamukuru namadzibabamudiki avo. 12 Vakaroorwa kumhuri dzedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nhaka yavo ikaramba ichingova mudzinza remhuri yababa wavo. 13 Iyi ndiyo mitemo nemirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi ichipiwa nokuna Mosesi vari mumapani eMoabhu pana Jorodhani pakatarisana neJeriko. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe