Numeri 35 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMaguta okupa vaRevhi 1 Mumapani eMoabhu mhiri kwaJorodhani kwakatarisana neJeriko, Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2 “Udza vaIsiraeri kuti munyika dzavanenge vagoverwa vazopawo vaRevhi mamwe maguta okugara. Muchavapawo mafuro munharaunda dzamaguta iwayo. 3 Naizvozvo vaRevhi vachava namaguta okugara namafuro okuti mombe nehwai nembudzi dzavo nezvimwe zvipfuwo zvavo zvose zvive nopokufurira. 4 Mafuro iwayo amaguta amuchapa vaRevhi achatangira kuerwa kubvira parusvingo rweguta zvichienda kunze kwechinhambwe chinokwana mamita mazana mana namakumi mashanu mativi ose. 5 Kumabvazuva kweguta, erai chinhambwe chinokwana mamita mazana mapfumbamwe. Kumaodzanyemba erai chinhambwe chinokwana mamita mazana mapfumbawe, kumadokero mamita mazana mapfumbamwe, kuchamhembe mamita mazana mapfumbamwe guta riri pakati. Ndiwo achava mafuro akapoteredza maguta avo. 6 Munozopa vaRevhi maguta matanhatu okuti kana munhu akonzera rufu rwomumwe andopoteramo. Pamusoro pamaguta iwaya vapei mamwe maguta makumi mana namaviri. 7 Saka maguta ose amuchapa vaRevhi, achava makumi mana namasere pamwechete nenharaunda dzawo dzamafuro. 8 Kana mavakupa vaRevhi maguta mumatunhu akagovaniswa vaIsiraeri, onai kuti mune vane nyika huru motorawo maguta akati wandei. Mune vane nyika diki motorawo mashoma muchivapa, zvichienderana noukuru hwenhaka yavakagoverwa.” Maguta okupotera ( Kut 19:1–13 ; Josh 20:1–2 ) 9 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 10 “Udza vaIsiraeri kuti kana mayambuka Jorodhani muchipinda nyika yeKanani 11 sarudzai maguta okupotera, okuti munhu anenge auraya munhu mukusaziva atizireko. 12 Kwamuri maguta aya achava okupotera, kuitira kuti hama yomufi inenge yoda kutsividza irege kuuraya muurayi asati atongwa nedare. 13 Maguta matanhatu iwayo amuchatsaura ndiwo achava maguta enyu okupotera. 14 Tsaurai maguta matatu kumhiri kwaJorodhani namamwe maguta matatu muKanani kuti ave okupotera. 15 Maguta matanhatu iwaya ndookuti vaIsiraeri, kana mutorwa, kana mupfuuri agere nemi anenge auraya munhu mukusaziva andopoteramo. 16 “Asi kana munhu akarova mumwe nechinhu chesimbi akafa, imhondi. Mhondi inofanira kutoti iuraiwe. 17 Kana akatora dombo ringauraye munhu akamutema naro akafa, imhondi. Mhondi inofanira kutoti iuraiwe 18 Kana akabatira mumwe tsvimbo ingauraye munhu akarova mumwe nayo akafa, imhondi. Mhondi inofanira kutoti iuraiwe. 19 Hama yomufi pachayo ndiyo ine basa rokutsiva ropa romufi. Akangosangana nayo ngaaiuraye. 20 “Kana munhu akadyunga mumwe pamusana poruvengo kana kumupotsera chinhu aita zvokumuhwandira akamuuraya, 21 kana kuti akamurova nechibhakera achizviita pamusana poruvengo akafa, nyakumurova uya ngaaurayiwe, imhondi. Hama yomufi ine basa rokutsiva ropa romufi, ikangosangana nemhondi yacho ngaaiuraye. 22 “Asi kana akangoerekana amudyunga pasina ruvengo, kana kuerekana amupotsera chinhu asina kumbenge akamuhwandira 23 kana dombo ringauraye munhu raakamudonhedzera asingamuoni achibva amuuraya kunyange akanga asiri muvengi wake asingadi kumukuvadza, 24 dare ngaritonge mhosva yanyakuuraya munhu nanyakuda kutsiva ropa romufi maererano nemirao iyi: 25 Dare ngarinunure nyakuuraya munhu mumaoko anyakuda kutsiva ropa romufi, ngarimudzosere kuguta rake rokupotera kwaakanga atizira. Nyakuuraya munhu uya ngaagaremo kusvikira rufu rwomupristi mukuru akazodzwa namafuta anoera. 26 Asi kana nyakuuraya munhu uya akangobuda kunze kwemiganhu yeguta maakanga andopotera, 27 nyakuda kutsiva ropa romufi akangomuwana ari kunze ikoko, akamuuraya, haazovi nemhosva yokuuraya munhu. 28 Izvi zvinonzarwo nokuti nyakuuraya munhu iyeyo angadai akagara muguta rake rokupotera kusvikira mupristi mukuru afa. Kana mupristi mukuru afa ndipo paaizokwanisa zvake kudzokera kumusha kwake. 29 Iyi ndiyo mirao nezvirongwa zvamuchachengeta pazvizvarwa zvenyu zvose kwose kwamunenge mugere. 30 “Ani naani anouraya munhu, anogona kuurayiwa chete kana paine zvapupu. Asi hakuna munhu anofanira kuurayiwa noumboo hwechapupu chimwechete. 31 Uyezve musagamuchire mari yokununura upenyu hwemhondi inenge yatongerwa kufa. Anotofanira kutouraiwa. 32 Musagamuchire mari yokuti munhu anenge atizira muguta rokupotera, adzokere kundogara kumusha kwake, mupristi mukuru asati afa. 33 Musan'orese nyika yamugere nomutoo iwoyu nokuti kudeura ropa kunon'oresa nyika. Hakuna chinogona kununura nyika ine ropa rakadeurwamo kunze kwokuuraya munhu wacho akadeura ropa. 34 Musan'orese nyika yamugere mandinogarawo ini nokuti ini Tenzi ndinogara mukati mavaIsiraeri.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe