Online Bible

- Advertisements -


Numeri 34 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Miganho yenyika yevaIsiraeri

1 Tenzi akataurira Mosesi achiti,

2 “Udza vaIsiraeri kuti, kana masvika kunyika yeKanani, nyika ichava yenhaka yenyu, nyika yeKanani nemiganho yayo ndeiyi inoti:

3 rutivi rwenyika iyoyo rwokuchamhembe ruchatangira kurenje reZini, ruchitevedza nokurutivi rweEdhomu. Muganho wayo wokumaodzanyemba uchatangisira kunoperera gungwa Romunyu nechokumabvazuva.

4 Muganho wayo uchapota napamukwidza weAkirabhimu uchipfuura nokurenje reZini, uchizondosvika kumaodzanyemba kweKadheshibharinea wozoenda kuHazariadhari, uchizondosvika kuAzimoni.

5 Muganho wacho uchabva kuAzimoni wopota nokukakova kanonzi KakovakeIjipiti wozondogumira kugungwa.

6 “Muganho wavo wokumadokero uchava gungwa Dzvuku nemahombekombe aro. Iwoyu ndiwo muganhu wenyu wokumadokero.

7 “Muganho wenyu wokuchamhembe ndouyu, muchautara uchibva kugungwa guru uchienda kugomo reHoru,

8 wozobva kugomo reHoru, woita sewava kupinda muguta reHamati. Muganho iwoyu unozosvika kuZedhadhi.

9 Wozobvapo woenda kuZifuroni, wondoperera wava Hazarenani. Iwoyu ndiwo uchava muganho wavo wokuchamhembe.

10 “Muchatara muganho wenyu wokumabvazuva kubva paHazarenani kusvika kuShefamu.

11 Wozodzika uchibva Shefamu wosvika kuRibhura nechokumabvazuva kweAini. Wodzikazve kundosvika kumateru egungwa reKinereti kuri kumabvazuva.

12 Wozodzika kuna Jorodhani uchindoperera kuGungwa roMunyu. Iyoyi ndiyo nyika yenyu nemiganhu yayo inoipoteredza.”

13 Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Iyoyi ndiyo nyika yenhaka yenyu yamuchagovana nechin'ange sekutemwa kwayakaitwa naTenzi, ichipiwa madzinza mapfumbamwe nechikamu chapakati napakati cherimwe dzinza

14 nokuti vedzinza rokwaRubheni nemhuri dzavo, nevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo pamwechete nechikamu chapakati napakati chevedzinza rokwaManase vanenge vatowana kare nhaka yavo.

15 Vamadzinza iwaya maviri, nechikamu chepakati nepakati cherimwe dzinza vanenge vatowana kare nhaka yavo kumhiri kwaJorodhani kwakatarisana neJeriko kunobuda nezuva kumabvazuva.”


Vatungamiriri vakapiwa basa rokugovanisa nyika yavaIsiraeri

16 Tenzi akataurira Mosesi achiti,

17 “Aya ndiwo mazita avanhu vachakugovanisai nyika yenyu kunoti: Mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni.

18 Munofanira kusarudza mutungamiriri mumwechete padzinza roga roga wokugova nyika.

19 Aya ndiwo mazita avarume vacho: “Wedzinza rokwaJudha ndiKarebhu mwanakomana waJefune.

20 Wedzinza rokwaSimeoni ndiShemueri mwanakomana waAmihudhi.

21 Wedzinza rokwaBhenjamini ndiEridhadhi mwanakomana waKisironi.

22 Wedzinza rokwaDhani ndiBhuki mwanakomana waJongiri.

23 VokwaJosefi, wedzinza rokwaManase ndiHanieri mwanakomana waEfodhi.

24 Wedzinza rokwaEfuremu ndiKemueri mwanakomana waShifutani.

25 Wedzinza rokwaZebhuruni ndiErizafani mwanakomana waParinaki.

26 Wedzinza rokwaIsakari ndiParitieri mwanakomana waAzani.

27 Wedzinza rokwaAsheri ndiAhihudhi mwanakomana waSheromi.

28 Wedzinza rokwaNafutari ndiPedhaheri mwanakomana waAmihudhi.”

29 Ava ndivo varume vakapiwa naTenzi basa rokugovanisa vaIsiraeri nyika yeKanani.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements