Online Bible

- Advertisements -


Numeri 32 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Madzinza avaIsiraeri okumabvazuva kwaJorodhani
( Kut 3:12–22 )

1 Madzinza aRubheni naGadhi aiva nemombe dzakawanda kwazvo. Akaona nyika yeJazeri neyeGiriadhi dziri nyika dzina mafuro emombe,

2 Naizvozvo vokwaGadhi nevekwaRubheni vakaenda kuna Mosesi nomupristi Ereazari navatungamiriri vegungano, ndokusvikoti,

3 “KuAtaroti nokuDhibhoni nokuJazeri nokuNimura nokuHeshibhoni nokuEreare nokuSebhamu nokuNebho nokuBheoni

4 kunyika dziya dzakakundwa naTenzi tichizviona, kuna mafuro emombe akanaka kwazvo. Zvino isu varanda venyu tine mombe.”

5 Saka vakati, “Kana muchida tipei zvedu isu varanda venyu nyika iyoyi kuti ive nhaka yedu, murege zvenyu kuti tiyambuke kumhiri kwaJorodhani.”

6 Asi Mosesi akapindura vokwaGadhi novokwaRubheni achiti, “Ko imi mungati hama dzenyu dziende dzoga kuhondo, imi mugere zvenyu kuno here?

7 Ko munodireiko kuoresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakapiwa naTenzi?

8 Ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva kuKadheshibhanea kundoona nyika iyi.

9 Vakandosvika kumapani eEshikoru vakaona nyika iyoyo, dzokei vooresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakanga vapiwa naTenzi.

10 Izvozvo zvakashatirisa Tenzi pazuva iroro akapika achiti,

11 ‘Chokwadi hakuna mumwe wavarume vakabva kuIjipiti vane makore makumi maviri kana anopfuura iwayo vachaona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho nokuti havana kunditevera nomwoyo wose,

12 kunze kwaKarebhu chete mwanakomana waJefune muKenezi naJoshuwa mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Tenzi nomwoyo wose.’

13 Tenzi akashatirirwa vaIsiraeri, akaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira chizvarwa chose chakanga chatadzira Tenzi chapera kufa.

14 Hezvika imi magara nhaka yamadzibaba enyu, muri chizvarwa chakaipa chinotonyanya kuti Tenzi ashatirirwe vaIsiraeri zvikuru.

15 Kana imi mukatsauka pakumutevera achavasiyazve murenje. Ndimi muchaparadzisa vanhu ivava.”

16 Vakasebera kwaari vakati, “Regai timbovakira pano zvipfuwo zvedu matanga, navana vedu maguta,

17 tozotora zvombo zvedu tichienda kuhondo navaIsiraeri, tiri mberi kusvikira tavasvitsa kunzvimbo dzichava nhaka yavo. Izvozvo vana vedu vachange vagere mumaguta akakomberedzwa netsvingo vakadzivirwa kuvanhu vomuno.

18 Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira muIsiraeri wose awana nyika ichava nhaka yake.

19 Isu hatizopiwi nhaka pamwechete navo kumhiri kwaJorodhani zvichienda zvakadaro nokuti nhaka yedu taiwanira mhiri kuno kumabvazuva kwaJorodhani.”

20 Mosesi akavapindura achiti, “Kana muchizoita saizvozvo zvokutora zvombo muchienda kuhondo norubatsiro rwaTenzi,

21 mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo achiyambuka Jorodhani achitungamiririrwa naTenzi kusvikira adzinga iye vavengi vake,

22 kusvikira nyika iyoyi yakundwa yava pasi paTenzi, mungachizodzoka zvenyu musisina mhosva pana Tenzi navaIsiraeri. Naizvozvo nyika ino ichava yenyu nemvumo yaTenzi.

23 “Asi mukasaita saizvozvi, matotadzira Tenzi. Saka zivai izvi zvokuti chitadzo chenyu chichakupfukirai.

24 Chivakirai zvenyu pwere dzenyu maguta, nezvipfuwo zvenyu matanga, muzoita zvamavimbisa.”

25 Vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakataura kuna Mosesi vachiti, “Isu varanda venyu tichaita zvamareva changamire wangu.

26 Pwere dzedu namadzimai edu nembudzi nehwai nemombe dzedu dzose, zvichasara zviri mumaguta kuno kuGiriadhi.

27 Asi isu varanda venyu tichayambuka, munhu wose ane zvombo zvehondo achitungamirirwa naTenzi tichienda kuhondo sokutaura kwenyu changamire.”

28 Mosesi akaudza mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri zvokuita navanhu ava

29 akavati, “Kana vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakayambuka Jorodhani nemi, mumwe nomumwe wavo akapakata zvombo zvehondo vachitungamirirwa naTenzi, mukakunda nyika iyoyo, vapei zvenyu nyika yeGiriadhi kuti ive yavo.

30 Asi vakasayambuka nemi kundorwa hondo, vachazowana mugove wavo pamwechete nemi munyika yeKanani.”

31 Vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakapindura vachiti, “Zvataurwa naTenzi kwatiri varanda venyu ndizvo zvatichaita.

32 Isu tichayambuka takapakata zvombo zvedu zvehondo kunyika yeKanani tichitungamirirwa naTenzi kuitira kuti nhaka yedu ive mhiri kuno kwaJorodhani.”

33 Saka Mosesi akapa vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni nechikamu chapakati napakati chevedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nyika yaSihoni mambo wavaAmori, nenyika yaOgu mambo wavaBhashani. Akavapa nyika iyoyo namaguta ayo ose nemiganho yacho, kunyange namaguta ose ari munharaunda macho.

34 Vedzinza rokwaGadhi vakavakirira tsvingo maguta aya anoti: Dhibhoni neAtaroti neAroeri

35 neAtarotishofani neJazeri neJogubheha

36 neBhetinimura neBhetiharani. Maguta aya namatanga ehwai akakomberedzwa netsvingo.

37 Vedzinza rokwaRubheni vakavaka maguta aya anoti: Heshibhoni neEreare neKiriataimu

38 neNebho neBhaarimeoni (mazita awo akazosandurwa) neSibhuma. Maguta avakavaka vakatumidza mazita.

39 Vemhuri yaMakiri wedzinza raManase vakaenda kuGiriadhi vakaikunda ndokuibvutira vaAmori vakanga vageremo.

40 Mosesi akapa nyika yaGiriadhi kuna Makiri mwanakomana waManase akagaramo.

41 Jairi wedzinza raManase akandopamba misha yavo akaitumidza kuti misha yaJairi.

42 Nobha akandopamba guta reKenati nemisha yavo, akaitumidza nezita rake kuti Nobha.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements