Online Bible

- Advertisements -


Numeri 30 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mirao inotaura nezvemhiko

1 Mosesi akataurira vatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvandakarayirwa naTenzi.

2 Kana munhurume akatsidza kuitira Tenzi chinhu, kana kupika mhiko yokuregedza kuita chimwe chinhu, ngaaite zvaakapika, asambozviregedzi, ngaaite zvose zvaakataura nomuromo wake.

3 Kana munhukadzi, achiri kugara mumusha wababa vake, akatsidza kuitira Tenzi chinhu, kana kupika mhiko yokuregedza kuita chimwe chinhu,

4 kana baba vake vakanzwa chitsidzo kana mhiko yake vasina chavanotaura nazvo, zvose zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite.

5 Asi kana baba vake vakazvinzwa, vakamurambidza zuva rakarero, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera nokuti baba vake havana kuzvibvumira.

6 Kana mukadzi uya akaroorwa, achine mhiko kana chitsidzo chaakataura asina kumbonyatsofunga, murume wake akazvinzwa asi akasava nechaakataura zuva rakarero, zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite.

7 Asi kana murume wake akazvinzwa akarega kumutsiura zuva iroro raakazvinzwa mhiko yake nezvaakatsidza kuzvisunga nazvo zvicharamba zviripo.

8 Asi kana murume wake akazvinzwa achibva amurambidza zuva rakarero, zvose zvaakapika nezvaakataura, asina kumbonyatsofunga hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera.

9 “Asi chitsidzo nemhiko yechirikadzi kana yomukadzi akarambana nomurume wake chose chaanozvisunga nacho chichamusunga.

10 Ngatiti mukadzi akatsidza achiri mumba momurume wake kana kupika mhiko

11 murume wake akazvinzwa, asi akaramba akanyarara asingamutsiure zvose zvaakatsidza nezvaakapika, zvinomusunga.

12 Asi kana murume wake akazviramba zuva rakarero raanozvinzwa, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika achitaura nomuromo nezvemhiko dzake nezvitsidzo zvake, murume wake akazvishaisa basa. Tenzi anomuregerera.

13 Murume wake ane mvumo yokumubvumidza kana yokumurambidza kuita zvose zvaanotsidza kana zvaanopika.

14 Asi kana murume wake akanyarara asina chaanotaura kwaari nazvo zuva nezuva, zvinoreva kuti anomubvumidza kuita zvose zvaanotsidza nezvose zvaanopika. Murume wake anenge abvumirana nazvo nokuti anenge asina kutaurira mukadzi wake zuva raanozvinzwa.

15 Asi kana murume akazvinzwa, kukapera mazuva asina kumurambidza, mhosva yanga iri yomukadzi iyeyo ichava yomurume wake.”

16 Iyi ndiyo mirao yakarayirwa Mosesi naTenzi yemhiko dzinoitwa nomunhukadzi muduku achiri mumba mababa vake nedzinoitwa nomukadzi ane murume wake.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements