Mapisarema 99 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMwari Mambo wapasi pose 1 TENZI ndimambo vanhu vanodedera anogara pachigaro chake choushe, pakati pamakerubhi. Nyika inodengendeka. 2 TENZI mukuru muguta reZioni mukuru mukuru pavanhu vose. 3 Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa. Iye anoera. 4 Mambo wesimba munoda ruenzaniso. Imi makamisa nduramo. Ndimi makaita kuti muna Jakobho muve noruenzaniso noururami. 5 Rumbidzai TENZI Mwari wedu, mugwadamirei pachitambarariko chake. Iye anoera. 6 Mosesi naAroni vaiva vamwe vavapristi vake uye Samueri aiva mumwe wevaidana zita rake, vaidana kuna TENZI iye achivapindura. 7 Aitaura navo ari mugore, ivo vakachengeta mirao yake nemitemo yaakavapa. 8 Imi TENZI Mwari wedu maivapindura, maiva kwavari Mwari anoregerera asi muchiranga zvavainge vatadza. 9 Rumbidzai TENZI Mwari wedu mumunamate pagomo rake rinoera nokuti TENZI Mwari wedu anoera. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe