Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 89 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Nhetembo yaEtamu wechiEzira.
Rumbo rwenyika kana yapinda nhamo

1 Ndichaimba ndichirumbidza mwoyochena wenyu nokusingaperi, TENZI, nomuromo wangu ndichaparidza kutendeka kwenyu kwezvizvarwa zvose.

2 Nokuti mwoyochena wenyu uripo nokusingaperi. Kutendeka kwenyu kwakasimba samatenga.

3 Makati: “Ndakaita chitenderano changu newandakasarudza. Ndakatsidza kuna Dhavhidhi muranda wangu ndichiti,

4 ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zvivepo nokusingaperi ndigosimbisa chigaro chako choumambo pazvizvarwa zvose.’ ” Dzepfunde.

5 Matenga anorumbidza zvinoshamisa zvenyu TENZI uye kutendeka kwenyu mugungano ravakarurama.

6 Ndiani mudenga'mu angaenzaniswe nemi TENZI? Ndiani pakati pavana vamwari angaenzaniswe naTENZI,

7 Mwari anodederesa kune ungano yavatsvene.

8 TENZI Mwari wehondo nehondo ndiani ane simba semi, TENZI nokutendeka kwenyu uku muna zvose.

9 Imi munotonga kusimuka kwamasaisai, kana osimuka munoanyaradza.

10 Imi makapwanya Rahabhu sechitunha, makaparadza mhandu dzenyu nesimba roruoko rwenyu.

11 Denga nderenyu pasiwo ndepenyu, nyika nazvose zvirimo, ndimi makazvisika.

12 Kuchamhembe nokumaodzanyemba ndimi makakusika. Gomo reTabhori nereHeremoni anokurumbidzai norufaro.

13 Muno ruoko rune simba chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa pamusoro.

14 Ururami noruenzaniso ndihwo hwaro hwechigaro chenyu chokutonga munotungamidza mwoyochena nokutendeka.

15 Vakakomborerwa zvavo vanoziva kupururudza vachifara, vanofamba muchiedza chokuvapo kwenyu TENZI,

16 vanofara nezita renyu zuva rose uye vanorumbidza ururami hwenyu.

17 Ndimi simba ravanoinzva naro; inyasha dzenyu kuti simba redu ribudirire.

18 Nhowo yedu iri mumaoko aTENZI, mambo wedu ari mumaoko omutsvene waIsiraeri.

19 Makazotaura ipapo muchioneso kune munhu wenyu wakatendeka muchiti, “Ndakapa rubatsiro rwangu kugamba, ndakasimudzira pamusoro mumwe wandakasarudza muvanhu.

20 Wandakawana wacho ndiDhavhidhi, muranda wangu. Ndakamuzodza namafuta angu anoera,

21 zvokuti simba rechanza changu richagara maari, simba roruoko rwangu richamusimbisa.

22 Hapana muvengi achamukunda, vakaipa havachazomukurira.

23 Ndichafanopwanya mhandu dzake ndichiuraya vanomuvenga.

24 “Ndichatendeka kwaari uye ndichamuitira mwoyochena, pamusana pezita rangu simba rake richabudirira.

25 Ndichaisa gungwa mumaoko ake uye nzizi dzichava muchanza chake chorudyi.

26 Achandidana kuti, ‘Imi baba vangu. Mwari wangu nedombo rangu randinopona naro.’

27 Ndichamuita dangwe rangu nomukuru wamadzimambo apasi.

28 “Ndicharamba ndiine mwoyochena kwaari nokusingaperi. Chitenderano changu naye chicharamba chakasimba.

29 Ndichaita kuti vedzinza rake, vokutonga, varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo sedenga.

30 “Kana vana vake vakakanda pasi mutemo wangu vakarega kutevera zvandinoronga,

31 Kana kuti vakarega kuchengeta zvirevo zvangu, uye vakatyora mirao yangu,

32 ndichavarangira chitadzo chavo neshamhu uye uipi hwavo netsarapu.

33 Asi handiregi kuva nemwoyochena kana kusava ndakatendeka kwavari.

34 Handimbotyora chitenderano changu kana kusandura zvandakataura.

35 “Ndakapika noutsvene hwangu chakamwe pasina zvokurevera Dhavhidhi nhema.

36 Ndichaita kuti vedzinza rake vokutonga varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo chero zuva richiri kuvheneka pamberi pangu.

37 Chichavapo semwedzi nokusingaperi mboo yakatendeka iri mudenga.” Dzepfunde.

38 Asi imi makasiya muzodzwa wenyu mukamuramba uye makamushatirirwa.

39 Makaramwa chitenderano chenyu nomuranda wenyu makaumburudza ngundu yamambo muvhu.

40 Makapaza tsvingo dzake dzose makaparadza nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kusara ava matongo.

41 Vose vanopfuura napaari vanopamba zvinhu zvake. Ava chiseko chavavakidzani vake.

42 Makaratidza kuti vavengi vake vakunda nokusimudza ruoko rwavo rworudyi; mukaita kuti mhandu dzake dzifare.

43 Makamininutsa bakatwa rake mukaita kuti akurirwe muhondo.

44 Makamutorera mumaoko tsvimbo yake youmambo; makaputsira pasi chigaro chake choumambo.

45 Makamuchembedza nokukasira, makamuzadza nenyadzi. Dzepfunde

46 Kusvikira rinhiko nhai TENZI? Mucharamba makazvivanza nokusingaperi here? Kusvika riniko hasha dzenyu dzichiviruka somoto kudai?

47 Yeukai kupfupika kwakaita upenyu hwangu chamakasikira munhu unobva wachishaya.

48 Ndiani angararame asingazosvika pakufa. Ndiani angazviponese kusimba renzvimbo yavakafa. Dzepfunde.

49 Nhai, TENZI, ko mwoyochena wenyu uya wakare uripi wamakambotsidza kuna Dhavhidhi pamusana pokutendeka kwenyu?

50 Rangarirai TENZI kushorwa kunoitwa muranda wenyu nokutakura kwandinoita mumwoyo mangu kushorwa ikoko kunobva kuvanhu vakawanda

51 kuchiitwa nemhandu dzenyu TENZI dzichishora muzodzwa wenyu pose paanofamba.

52 TENZI ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni, Ameni.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements