Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 85 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Muimbisi, urwu rwiyo rwavana vokwaKora.
Kunamatira nyika kuti ive norugare noruenzaniso

1 Mwari makafadzwa nenyika yenyu, makadzorera vokwaJakobho zvavakangavari.

2 Makaregerera vanhu venyu uipi hwavo mukavakanganwira zvivi zvavo zvose. Dzepfunde

3 Makazvipodza kuhasha dzenyu dzose mukazvidzora pakushatirwa kwenyu kwakanyanya.

4 Tiiteiwo zvatanga takaita kare, Mwari mununuri wedu chiregai kuva nehasha nesu.

5 Mucharamba makatishatirirwa narini here? Mucharebesa hasha dzenyu kuzvizvarwa zvose here?

6 Hamuchatimutsiridzazve here kuti vanhu venyu vafare nemi?

7 Tiitireiwo mwoyochena, TENZI mutiponesewo.

8 Ndichanzwa zvichataurwa naTENZI Mwari nokuti achataura zvorugare kuvanhu vake, kuna vatsvene vake. Dai vakangorega zvavo kupindukira kuupenzi.

9 Hongu ruponeso rwake rwuri padyo kuna vanomutya; mbiri yokuvapo kwake ichagara munyika medu.

10 Mwoyochena nokutendeka zvichasangana, ururami norugare zvichambundirana.

11 Kutendeka kuchakura kuchibva pasi; ururami huchatarisa pasi huri kudenga.

12 TENZI achapawo zvakanaka; nyika yedu ichaberekawo zvakawanda.

13 Ururami huchatungamira pamberi pake huchimugadzirira paanozofamba napo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements