Mapisarema 77 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMuimbisi, urwu rumbo rwunoimbwa maimbiro okwaJedhutumu. Rwiyo rwaAsafu. Munamato kuna Mwari ane tsitsi kana zvinhu zvaipa 1 Ndinoridza mhere kuna Mwari, mhere kuna Mwari kuti andinzwe. 2 Nezuva rokutambudzika kwangu ndinotsvaka TENZI. Usiku ndinosimudza maoko angu ndisinganeti, mweya wangu unoramba kunyaradzwa. 3 Ndinofunga Mwari ndigoungudza. Ndikati rangarirei mweya wangu unobva washaya simba. Dzepfunde 4 Usiku munoita kuti ndirare ndakasvinura ndinobva ndatambudzika zvokutotadza kutaura. 5 Ndinombofunga nezvamazuva akare, ndinoyeuka makore enguva yakare. 6 Ndinozvibvunzurudza mumwoyo mangu usiku, ndinorangarira ndichitsvagurudza mumweya wangu. 7 Mwari andirasa zvachose here? Haachandifaririzve here? 8 Mwoyochena wake wapera zvachose here? Zvaakanditsidzira zvakabva zvapera here? 9 Mwari akakanganwa kuita tsiye nyoro here? Hasha dzake dzavhiringidza tsitsi dzake here? Dzepfunde 10 Ini ndinoti chinhu chinondirwadza kuti kuita kwaMwari zvine simba kwasanduka. 11 Ndinoyeuka zviito zvaMwari. Hongu ndinorangarira zviito zvenyu zvepasichigare. 12 Ndichanyatsofungisisa mabasa enyu ose. Ndigozvibvunzurudza nezvamabasa enyu esimba. 13 Nzira yenyu Mwari itsvene ndoupi mwari mukuru saMwari wedu? 14 Muri Mwari anoita zvishamiso makaratidza simba renyu pakati pavanhu. 15 Makanunura vanhu venyu nesimba roruoko rwenyu vana vokwaJakobho naJosefi. Dzepfunde. 16 Mvura payakakuonai Mwari, mvura payakakuonai yakatya. Hongu hwenje hwakadedera. 17 Makore akadurura mvura, matenga akatinhira, miseve yenyu yakavaima mativi ose. 18 Kupwatika kwemheni yenyu kwakanga kuri muchamupupuri mheni dzenyu dzaipenyesa pasi nyika yakadedera ikandengendeka. 19 Mugwagwa wenyu waipfuura nomugungwa; nzira yenyu yaipfuura nomumvura zhinji, asi tsoka dzapamakatsika hadzina kuoneka. 20 Makatungamirira vanhu venyu sedanga rehwai vari mumaoko aMosesi naAroni. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe