Eksodo 20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMitemo gumi ( Kut 5:1–21 ) 1 Mwari akataura mashoko ose ano aya 2 achiti, “Ndini Tenzi, Mwari wako ndakakuburitsa kuIjipiti kwawaiva muuranda. 3 “Usave navamwe vamwari kunze kwangu. 4 Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika. 5 Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina. 6 Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena kuzviuru nezviuru zvavanondida, vanochengeta mitemo yangu. 7 “Usataure zita raTenzi, Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo. 8 “Yeuka zuva reSabata urierese. 9 Kwamazuva matanhatu shanda zvako, uite basa rako rose, 10 asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi, Mwari wako. Pazuva iroro usaite kana basa zvaro, iwe kana mwana wako mukomana kana musikana, kunyange munhu anokushandira murume kana mukadzi, kana chipfuwo chako, kunyange muuyi agere nemi. 11 Ndinodaro nokuti mumazuva matanhatu, ini Tenzi ndakasika denga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri, ndikazorora pazuva rechinomwe. Naizvozvo Tenzi akakomborera zuva reSabata akariita zuva rinoera. 12 “Remekedza baba naamai vako, kuti mazuva ako awande munyika yauri kupiwa naTenzi, Mwari wako. 13 “Usauraye. 14 Usaite upombwe. 15 Usabe. 16 Usapupurire mumwe wako zvenhema. 17 Usachive imba yomumwe wako. Usachive mudzimai womumwe, kana munhu anomushandira, murume kana mukadzi, kunyange mombe yake, kana dhongi rake, kana chii zvacho chomumwe wako.” Kudedera kwakaita vaIsiraeri nokutya ( Kut 5:22–33 ) 18 VaIsiraeri vose vakanzwa kudhiriridza, nemheni nokurira kwehwamanda. Vakaona utsi huchipwititika mugomo. Vanhu vakati kanha nazvo vakadedera nokutya, vakamirira kure. 19 Vakataurira Mosesi vachiti, “Dai imi murimi mataura kwatiri isu tinokuteererai. Dai Tenzi arega zvake kutaura kwatiri, tingafe.” 20 Mosesi akati kuvanhu, “Musatye henyu nokuti Mwari auya kuzoona kuti muri vanhu vakadii. Anodawo kuti kumutya kukupindei muropa, murege kumutadzira.” 21 Vanhu vakamirira kure, asi Mosesi ndiye akaswedera kugore dema dema kuya kwaiva naMwari. B. BHUKU RECHITENDERANO Mitemo yokuvaka atari 22 Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iti kuna vaIsiraeri, ‘Mazviona imi pachenyu kuti ndataura nemi ndiri muchadenga.’ 23 Saka musazvigadzire vamwari vesirivha kana vendarama vokundiita zvenyu madirativhange navo. 24 Atari yamunondivakira ngaive yevhu mupire kwandiri zvibayiro zvenyu zvokupisa nemipiro yenyu yokuwadzana yehwai nemombe. Pose pose pandichasarudza kuti mundinamatirepo ndichauya kwamuri kuzokukomborerai. 25 Kana muchindivakira atari yamabwe musaivake namabwe akavezwa nokuti kana mukatora nhemo muchiveza mabwe matoan'oresa. 26 Musaite madanho okukwirisa kuatari yangu kuti parege kuva nokunyadzisira woonererwa uripo.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe