Mapisarema 98 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona ChanhasiPisarema 98 Pisarema. 1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa. 2 Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi, 3 Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu. 4 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro; 5 imbirai Jehovha nembira, nembira nenzwi rokuimba, 6 nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe, danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo. 7 Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri, nenyika, navose vanogaramo. 8 Nzizi ngadziuchire maoko adzo, makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro; 9 ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira. |
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Biblica, Inc.