Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 76 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 76
Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1 Mwari anozivikanwa muJudha; zita rake iguru muIsraeri.

2 Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni.

3 Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera

4 Imi makashongedzwa nechiedza, kupfuura makomo akapfuma nemhuka.

5 Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa, vakavata hope dzavo dzokupedzisira; hakuna mumwe wavarwi angasimudza maoko ake.

6 Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho, zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.

7 Imi moga ndimi munofanira kutyiwa. Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?

8 Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu, uye nyika yakatya ikanyarara,

9 haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge, kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera

10 Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa, uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.

11 Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa; nyika dzose dzakakupoteredzai ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.

12 Anoputsa mweya yavatongi; anotyiwa namadzimambo enyika.

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Follow us:



Advertisements