Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 101 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 101
Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.

2 Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa.

3 Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri.

4 Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa.

5 Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.

6 Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira.

7 Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu.

8 Mangwanani oga oga ndichaita kuti vakaipa vose vari panyika vanyarare; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha.

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Follow us:



Advertisements