Numeri 7:71 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)71 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caAhiezeri, mŋanakomana waAmishadai. See the chapterShona Bible 1949 revised 200271 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika71 kwozouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waAhiezero mwanakomana waAmishadhai. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona71 kwozouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waAhiezero mwanakomana waAmishadhai. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi71 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhiezeri mwanakomana waAmishadhai. See the chapter |