Numeri 18:8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Jehova akataura ʋo naAroni, akati: Ini, tarira, ndakakupa ɓasa rokuceŋgeta ɀipiriso ɀaŋgu ɀinotsaurwa, iɀo ɀinhu ɀose ɀakatsaurwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo uʋe mugoʋe wako nowaʋanakomana ʋako nokusiŋgaperi. See the chapterShona Bible 1949 revised 20028 Jehovha akataurawo naAroni, akati, “Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Tenzi akataurira Aroni achiti, “Chinzwa, ndakupa zvose zvinosiyiwa zvemipiro yandinopirwa. Zvose zvazvo zvandinoturirwa navaIsiraeri ndazvipa iwe navanakomana vako. Iwoyu ndiwo mugove wako narini narini. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona8 Tenzi akataurira Aroni achiti, “Chinzwa, ndakupa zvose zvinosiyiwa zvemipiro yandinopirwa. Zvose zvazvo zvandinoturirwa navaIsiraeri ndazvipa iwe navanakomana vako. Iwoyu ndiwo mugove wako narini narini. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose. See the chapter |