Mateo 8:9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Nokuti neni ʋo ndiri munhu unorairwa, ndinaʋarwi pasi paŋgu; ndinoti kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici! unoita. See the chapterShona Bible 1949 revised 20029 Nokuti neniwo ndiri munhu anorayirwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kunomumwe, ‘Enda!’ anoenda; kunomumwe, ‘Uya!’ anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ anochiita.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Ini ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo ari pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, ‘Enda,’ achienda uye kune mumwe, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ achichiita.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona9 Ini ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo ari pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, ‘Enda,’ achienda uye kune mumwe, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ achichiita.” See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.” See the chapter |