Genesi 8:9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 asi njiʋa haina‐kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakaŋga iri pamsoro penyika yose; akatambanudza ruʋoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka. See the chapterShona Bible 1949 revised 20029 asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona9 Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Asi njiva haina kuwana nzvimbo yokumhara nokuti mvura yakanga iri pose pose; saka yakadzokera kuna Noa muareka. Akatambanudza ruoko rwake akadzorera njiva muareka maaiva. See the chapter |