Genesi 34:7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo ʋanakomana ʋaJakobo ʋakaʋuya ʋacibva kusaŋgo; ɀino ʋarume aʋa ʋakaŋga ʋaneshuŋgu kwaɀo, ʋakatsamŋa ɀikuru, nokuti wakaŋga aita cinhu cakaipa kwaɀo pakati paʋaIsraeri kuti aʋate nomukunda waJakobo; cinhu ico cakaŋga cisiŋgafaniri kuitwa. See the chapterShona Bible 1949 revised 20027 Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Vanakomana vaJakobho vakadzoka musango mavaiva nokuti vakanga vazvinzwa. Varume ava vakaviruka nehasha, vakashatirwa kwazvo nokuti Shikemu akanga aita chinhu chisina nomusoro wose muIsiraeri chokutadza nomwanasikana waJakobho nokuti hazvifanire kunzarwo. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona7 Vanakomana vaJakobho vakadzoka musango mavaiva nokuti vakanga vazvinzwa. Varume ava vakaviruka nehasha, vakashatirwa kwazvo nokuti Shikemu akanga aita chinhu chisina nomusoro wose muIsiraeri chokutadza nomwanasikana waJakobho nokuti hazvifanire kunzarwo. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa. See the chapter |