Genesi 18:2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona ʋarume ʋatatu ʋamire ʋakatarisana naye; wakati aciʋaʋona, akabva pamukoʋa wetente, akamhanya kundosoŋgana naʋo, akakotamira pasi, See the chapterShona Bible 1949 revised 20022 akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, akabva pamusuo wetende, akamhanya kundosangana navo, akakotamira pasi, See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 Akatarisa akaona varume vatatu vamire pakadaro apo. Paakavaona akabva pamusuo wetendhe akamhanyira kundosangana navo, akavagwadamira pasi. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona2 Akatarisa akaona varume vatatu vamire pakadaro apo. Paakavaona akabva pamusuo wetendhe akamhanyira kundosangana navo, akavagwadamira pasi. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi. See the chapter |