Eksodo 5:3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ʋakati: Mŋari waʋaHeberu wakasoŋgana nesu; ɗotitenderai kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova Mŋari weɗu; kuti arege kutiroʋa neɗenda kana nomunondo. See the chapterShona Bible 1949 revised 20023 Vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Ivowo vakapindura vachiti, “Mwari wevaHebheru akasangana nesu. Dai mukatirega zvenyu tifambe rwendo rwamazuva matatu tichienda kurenje tindopira Tenzi, Mwari wedu mipiro. Kana tikarega kuzviita angatiuraye nedenda kana kutiparadza nehondo.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona3 Ivowo vakapindura vachiti, “Mwari wevaHebheru akasangana nesu. Dai mukatirega zvenyu tifambe rwendo rwamazuva matatu tichienda kurenje tindopira Tenzi, Mwari wedu mipiro. Kana tikarega kuzviita angatiuraye nedenda kana kutiparadza nehondo.” See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Ipapo vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Zvino tiregei tifambe rwendo rwamazuva matatu kurenje kuti tinobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wedu, kuti arege kutirova namatambudziko kana nomunondo.” See the chapter |