Eksodo 28:8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro, ŋgariitwe saiyo, ʋuye ciʋe cinhu cimŋe cete nayo, iitwe nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa. See the chapterShona Bible 1949 revised 20028 Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwe chete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Unofanira kuiitira mundya wakanyatsorukwa wejira rimwechetero rakagadzirwa zvimwechetezvo wakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku nerineni yakanakisisa. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona8 Unofanira kuiitira mundya wakanyatsorukwa wejira rimwechetero rakagadzirwa zvimwechetezvo wakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku nerineni yakanakisisa. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Bhanhire rayo rakarukwa noumhizha rinofanira kufanana nayo, rive rebenga rimwe chete neefodhi uye rakagadzirwa newuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. See the chapter |