Danieri 8:7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Ndikaʋona icisweɗera pedyo negondobge, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatuŋga gondobge, ikavuna nyaŋga dzaro mbiri; gondobge rakaŋga risinesimba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, ikatsika pamsoro paro, hakuna‐wakagona kurwira gondobge pasimba rayo. See the chapterShona Bible 1949 revised 20027 Ndikaona ichiswedera pedyo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba kumira payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondohwe pasimba rayo. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Ndakaona roswedera kuhondohwe iya rikabva raishatirirwa kwazvo. Rakadhuma hondohwe iyoyo rikatyora nyanga dzayo mbiri dziya, hondohwe ikashaya simba rokumirisana naro, rikabva ratoiriga pasi rikaitsokodzera pasina nomumwe akagona kununura hondohwe yacho mumaoko maro. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona7 Ndakaona roswedera kuhondohwe iya rikabva raishatirirwa kwazvo. Rakadhuma hondohwe iyoyo rikatyora nyanga dzayo mbiri dziya, hondohwe ikashaya simba rokumirisana naro, rikabva ratoiriga pasi rikaitsokodzera pasina nomumwe akagona kununura hondohwe yacho mumaoko maro. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Ndakaiona ichirwisa gondobwe nehasha kwazvo, ikaritunga ndokuvhuna nyanga dzaro mbiri. Gondobwe rakanga risina simba rokurwisana nayo; nhongo yakariwisira pasi ikaritsika-tsika, uye hakuna akagona kununura gondobwe pasimba rayo. See the chapterShona BIBLE7 Ndikaona ichiswedera pedyo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba kumira payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondohwe pasimba rayo. See the chapter |