Online Bible

- Advertisements -




Danieri 5:7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

7 Mambo akaɗanidzira aciti ʋaʋuye neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi. Mambo akataura akati kunaʋakacenjera ʋeBabironi: Aninani uŋgaraʋa iɀi ɀakanyorwa, akandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ucafukidzwa ŋguʋo tȿuku, nokushoŋgedzwa ʋuketani bgendarama pamutsipa wake, ʋuye ucaʋa muɓati wecitatu paʋushe bgaŋgu.

See the chapter Copy

Shona Bible 1949 revised 2002

7 Mambo akadanidzira achiti vauye nen’anga navaKaradhea navafemberi. Mambo akataura akati kuna vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani angarava izvi zvakanyorwa, akandizivisa kududzirwa kwazvo, achafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani yendarama pamutsipa wake, uye achava mubati wechitatu paushe hwangu.”

See the chapter Copy

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

7 Mambo akadaidzira kuti paunzwe vanhu vamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzinofembera nenyenyedzi. Mambo ndokuti kuvangwaru veBhabhironi, “Ani naani zvake anenge agona kuverenga zvakanyorwa apa izvi akandiudzawo dudziro yacho, anofanira kuti apfekedzwe hanzu dzoruvara rwehute ashongedzwe muhuro cheni yendarama, anozova mutongi wechitatu muumambo huno.”

See the chapter Copy

Bhaibhiri Idzva rechiShona

7 Mambo akadaidzira kuti paunzwe vanhu vamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzinofembera nenyenyedzi. Mambo ndokuti kuvangwaru veBhabhironi, “Ani naani zvake anenge agona kuverenga zvakanyorwa apa izvi akandiudzawo dudziro yacho, anofanira kuti apfekedzwe hanzu dzoruvara rwehute ashongedzwe muhuro cheni yendarama, anozova mutongi wechitatu muumambo huno.”

See the chapter Copy

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

7 Mambo akadana vaya vamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo uye akanditaurira zvarunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.”

See the chapter Copy

Shona BIBLE

7 Mambo akadanidzira achiti vauye nen'anga navaKaradhia navafemberi. Mambo akataura akati kuna vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani angarava izvi zvakanyorwa, akandizivisa kududzirwa kwazvo, achafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani yendarama pamutsipa wake, uye achava mubati wechitatu paushe hwangu.”

See the chapter Copy




Danieri 5:7

Follow us:

Advertisements


Advertisements