Danieri 6:10 - Shona BIBLE10 Zvino Dhanieri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mawindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisiita. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)10 Ɀino Danieri wakati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make (ɀino mawindi ekamuri yake akaŋga akazarurwa acitarira kurutiʋi rweJerusarema); akafugama namabvi ake katatu nezuʋa, akanyeŋgetera nokuʋoŋga pamberi paMŋari wake, seɀaaisiita. See the chapterShona Bible 1949 revised 200210 Zvino Dhanieri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mawindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisiita. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika10 Dhanieri paakazviziva kuti gwaro rasainwa namambo zita ravo, akaenda kumba kwake mumba yake yapamusoro yaiva namahwindo akashama akatarisa kuJerusaremu, aipfugama pasi imomo katatu pazuva achinamata achitenda Mwari wake sezvaaingoita kare. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona10 Dhanieri paakazviziva kuti gwaro rasainwa namambo zita ravo, akaenda kumba kwake mumba yake yapamusoro yaiva namahwindo akashama akatarisa kuJerusaremu, aipfugama pasi imomo katatu pazuva achinamata achitenda Mwari wake sezvaaingoita kare. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi10 Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake yapamusoro yaiva namawindo akanga akatarira kuJerusarema. Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita. See the chapter |