Danieri 3:7 - Shona BIBLE7 Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋanhu ʋose ʋacinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋakawira pasi ʋakanamata cifananidzo cendarama cakaŋga camiswa namambo Nebukadnezari. See the chapterShona Bible 1949 revised 20027 Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhinezari. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Naizvozvo vanhu vamarudzi ose pavakangonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, marudzi ose iwayo nendudzi dzose nendimi vakati pasi gwadagwa vachipfugamira chifananidzo ichocho chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona7 Naizvozvo vanhu vamarudzi ose pavakangonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, marudzi ose iwayo nendudzi dzose nendimi vakati pasi gwadagwa vachipfugamira chifananidzo ichocho chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mbira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari. See the chapter |