Danieri 3:3 - Shona BIBLE3 Ipapo machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vepfuma namakurukota navazivi vemirairo navabati vose vamativi enyika vakaungana kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhineza; vakamira pamberi pechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhineza. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ipapo macinda naʋarairi namadzishe naʋatoŋgi naʋaceŋgeti ʋefuma namakurukota naʋaziʋi ʋemirairo naʋaɓati ʋose ʋamatiʋi enyika ʋakaʋuŋganira kumutambo wokugadzwa kwecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari; ʋakamira pamberi pecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari. See the chapterShona Bible 1949 revised 20023 Ipapo machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vepfuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika vakaungana kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari; vakamira pamberi pechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Ipapo madzishe navatungamiriri vaya namasadunhu namakurukota uyewo namadzisahomwe namagweta navatongi vedzimhosva pamwechete navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo vakaunganidzana kuzoteketerera chifananidzo chacho chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza kuna vamwari. Vakaungana pamberi pechifananidzo ichocho chakanga chakagadzirwa chikamiswa naNebhukadhineza. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona3 Ipapo madzishe navatungamiriri vaya namasadunhu namakurukota uyewo namadzisahomwe namagweta navatongi vedzimhosva pamwechete navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo vakaunganidzana kuzoteketerera chifananidzo chacho chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza kuna vamwari. Vakaungana pamberi pechifananidzo ichocho chakanga chakagadzirwa chikamiswa naNebhukadhineza. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Saka machinda, varayiri, madzishe, vapi vamazano, vachengeti vepfuma, vatongi, navatongi vedzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu vakaungana kuti vakumikidze chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari, vakamira pamberi pacho. See the chapter |