Danieri 11:15 - Shona BIBLE15 Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handingagoni kumira, kunyangwe navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)15 Ɀino mambo wokumsoro ucaȿika, ndokuʋatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakaʋakirwa kwaɀo; hondo dzezasi hadziŋgagoni kumira, kunyaŋge naʋanhu ʋake ʋakatsaurwa, ʋuye ʋacashaiwa simba rokumira naro. See the chapterShona Bible 1949 revised 200215 Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona15 Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi15 Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira. See the chapter |