Numeri 4:15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 Kana Aroni navanakomana vake vapedza kurongedza nokuputira zvose panotamiswa tendhe rinoera, vanhu vemhuri yokwaKohati vanozouya kuzotakura zvinhu zvinoera. Asi ngavarege kubata zvinhu zvinoera nokuti vangadaro vakafa. Ndiwo mabasa anoitwa navanhu vemhuri yokwaKohati mutendhe rokusanganira. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)15 Ɀino kana Aroni naʋanakomana ʋake ʋapedza kufukidza imba tȿene, nenhumbi dzose dzeimba tȿene, kana ʋuŋgano iciɗa‐kusimuka, ɀino ʋanakomana ʋaKohati ʋanofanira kuʋuya kuitakura, asi ŋgaʋarege kuɓata ɀinhu ɀitȿene, kuti ʋarege kufa. Ɀinhu iɀi ndiɀo ɀinofanira kutakurwa naʋanakomana ʋaKohati patente rokusoŋgana. See the chapterShona Bible 1949 revised 200215 Zvino kana Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, kana ungano ichida kusimuka, zvino vanakomana vaKohati vanofanira kuuya kuitakura, asi ngavarege kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kutakurwa navanakomana vaKohati patende rokusangana. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 Kana Aroni navanakomana vake vapedza kurongedza nokuputira zvose panotamiswa tendhe rinoera, vanhu vemhuri yokwaKohati vanozouya kuzotakura zvinhu zvinoera. Asi ngavarege kubata zvinhu zvinoera nokuti vangadaro vakafa. Ndiwo mabasa anoitwa navanhu vemhuri yokwaKohati mutendhe rokusanganira. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona15 Kana Aroni navanakomana vake vapedza kurongedza nokuputira zvose panotamiswa tendhe rinoera, vanhu vemhuri yokwaKohati vanozouya kuzotakura zvinhu zvinoera. Asi ngavarege kubata zvinhu zvinoera nokuti vangadaro vakafa. Ndiwo mabasa anoitwa navanhu vemhuri yokwaKohati mutendhe rokusanganira. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi15 “Mushure mokunge Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza midziyo yose mitsvene, uye kana vava kusimuka, vaKohati ndivo vanofanira kuuya kuzotakura. Asi havafaniri kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. VaKohati ndivo vanofanira kutakura zvinhu zviri muTende Rokusangana. See the chapter |