Johane 19:13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Pirato paakanzwa mazwi aya akaburitsa Jesu panze iye ndokugara pachigaro chokutongera panzvimbo inonzi, “Chirongwanamafendefa.” Kana kuti, “Gabhata.” NechiHebheru. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 Ɀino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akaɓuɗisa Jesu, akagara pacigaro cokutoŋga, panɀimbo yainzi Pakaroŋgwa naMabge, asi neciHeberu Gabata. See the chapterShona Bible 1949 revised 200213 Zvino Pirato akati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi “Pakarongwa naMabwe,” asi nechiHebheru “Gabhata.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Pirato paakanzwa mazwi aya akaburitsa Jesu panze iye ndokugara pachigaro chokutongera panzvimbo inonzi, “Chirongwanamafendefa.” Kana kuti, “Gabhata.” NechiHebheru. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona13 Pirato paakanzwa mazwi aya akaburitsa Jesu panze iye ndokugara pachigaro chokutongera panzvimbo inonzi, “Chirongwanamafendefa.” Kana kuti, “Gabhata.” NechiHebheru. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata). See the chapter |