Estere 8:10 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika10 Chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa neringi ramambo rechidhindo. Tsamba idzodzo dzakatumirwa nevokumhanya nemashoko vakanga vakatasva mabhiza omudanga ramambo aimhanya kwazvo aishandiswa pabasa ramambo. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)10 Akanyora nezita ramambo Ahashveroshi, akadzisimbisa necindori camambo, ndokutuma nhume dzinomhanya dzakataȿa mabiza, dzakataȿa mabiza aimhanyisa kwaɀo paɓasa ramambo, akaɓerekwa paɀipfuwo ɀamambo. See the chapterShona Bible 1949 revised 200210 Akanyora nezita ramambo Ahashivheroshi, akadzisimbisa nechindori chamambo, ndokutuma nhume dzinomhanya dzakatasva mabhiza, dzakatasva mabhiza aimhanyisa kwazvo pabasa ramambo, akaberekwa pazvipfuwo zvamambo. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona10 Chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa neringi ramambo rechidhindo. Tsamba idzodzo dzakatumirwa nevokumhanya nemashoko vakanga vakatasva mabhiza omudanga ramambo aimhanya kwazvo aishandiswa pabasa ramambo. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi10 Modhekai akanyora muzita raMambo Zekisesi, uye akasimbisa tsamba dzacho nemhete yamambo, uye akadzitumira navatakuri vetsamba vainge vakatasva mabhiza aimhanya kwazvo akanga akapfuwirwa mambo. See the chapterShona BIBLE10 Akanyora nezita ramambo Ahasuerusi, akadzisimbisa nechindori chamambo, ndokutuma nhume dzinomhanya dzakatasva mabhiza, dzakatasva mabhiza aimhanyisa kwazvo pabasa ramambo, akaberekwa pazvipfuwo zvamambo. See the chapter |