Estere 4:1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino Mordekai wakati acinzwa ɀose ɀaitwa, Mordekai ndokubvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu nokuisa maɗota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo; See the chapterShona Bible 1949 revised 20021 Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo; See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona1 Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazvizora madota, akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. See the chapterShona BIBLE1 Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo; See the chapter |