Online Bible

- Advertisements -




Danieri 7:7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

7 “Tevere, ndakaona zviratidzo usiku, ndakaona chimwezve chikara chechina chakashata chinotyisa kwazvo chiine simba guru kwazvo. Chaiva namazino makuru esimbi chaizhanya chichibvambura-bvambura chichitsokodzera netsoka zvainge zvasara. Chakanga chakasiyana nezvimwe zvikara zvose zvakachitangira. Chakanga chiine nyanga gumi.

See the chapter Copy

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

7 Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mhuka yecinna, yaityisa nokuvundusa, inesimba guru kwaɀo; yakaŋga inameno makuru oʋutare; ikapedza, nokuvuna‐vuna, nokupxanya ɀakaŋga ɀasara netsoka dzayo; iyi yakaŋga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitaŋgira; yakaŋga inenyaŋga gumi.

See the chapter Copy

Shona Bible 1949 revised 2002

7 “Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna‐vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi.

See the chapter Copy

Bhaibhiri Idzva rechiShona

7 “Tevere, ndakaona zviratidzo usiku, ndakaona chimwezve chikara chechina chakashata chinotyisa kwazvo chiine simba guru kwazvo. Chaiva namazino makuru esimbi chaizhanya chichibvambura-bvambura chichitsokodzera netsoka zvainge zvasara. Chakanga chakasiyana nezvimwe zvikara zvose zvakachitangira. Chakanga chiine nyanga gumi.

See the chapter Copy

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

7 “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa muchiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechina, yaityisa uye yaivhundutsa, uye ine simba guru. Yakanga ina meno makuru esimbi; yakapwanya ikadya nyama yayo uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzose dzakare, uye yakanga ine nyanga gumi.

See the chapter Copy

Shona BIBLE

7 “Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna–vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi.

See the chapter Copy




Danieri 7:7

Follow us:

Advertisements


Advertisements