Danieri 6:23 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika23 Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)23 Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake. See the chapterShona Bible 1949 revised 200223 Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona23 Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi23 Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake. See the chapterShona BIBLE23 Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake. See the chapter |