Danieri 6:20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Wakati acisweɗera kugomba kunaDanieri, akaɗana nenzwi rokucema; mambo akataura, akati kunaDanieri: Nhai Danieri, iwe muranda waMŋari mupenyu, Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, unesimba rokukurwira pashumba here? See the chapterShona Bible 1949 revised 200220 Akati achiswedera kugomba kuna Dhanieri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona20 Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?” See the chapterShona BIBLE20 Akati achiswedera kugomba kuna Dhanieri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?” See the chapter |