Online Bible

- Advertisements -

Danieri 6:12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

12 Vakabva vauya kuna mambo vakapira nyaya yainangana nechirevo chiya vachiti, “Nhai mambo, hamuna here kusaina chirevo chiya? Chokuti: Kwamakumi matatu amazuva hapafaniri kuwanikwa ani zvake anosvitsa mukumbiro kuna ani naani zvake, kungave kuna mwari kana kumunhu, mumakumi matatu amazuva kusiri kwamuri imi mambo, anofanira kuti akandwe mugomba reshumba.” Mambo akapindura achiti, “Ndizvozvo chaizvoizvo maererano nomutemo wavaMidhi navaPezhia usingasanduki.”

See the chapter Copy

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

12 Ipapo ʋakasweɗera, ʋakataura pamberi pamambo pamsoro pecireʋo camambo, ʋaciti: Hamuna‐kuisa zita renyu pacireʋo, kuti aninani unokumbira cinhu kunamŋari upi noupi kana munhu upi noupi namazuʋa anamakumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba here? Mambo akataura, akati: Ishoko raɀokwaɗi, nomurairo waʋaMedia naʋaPersia, usiŋgashandurwi.

See the chapter Copy

Shona Bible 1949 revised 2002

12 Ipapo vakaswedera, vakataura pamberi pamambo pamusoro pechirevo chamambo, vachiti, “Hamuna kuisa zita renyu pachirevo, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba here?” Mambo akataura, akati, “Ishoko rechokwadi, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia, usingashandurwi.”

See the chapter Copy

Bhaibhiri Idzva rechiShona

12 Vakabva vauya kuna mambo vakapira nyaya yainangana nechirevo chiya vachiti, “Nhai mambo, hamuna here kusaina chirevo chiya? Chokuti: Kwamakumi matatu amazuva hapafaniri kuwanikwa ani zvake anosvitsa mukumbiro kuna ani naani zvake, kungave kuna mwari kana kumunhu, mumakumi matatu amazuva kusiri kwamuri imi mambo, anofanira kuti akandwe mugomba reshumba.” Mambo akapindura achiti, “Ndizvozvo chaizvoizvo maererano nomutemo wavaMidhi navaPezhia usingasanduki.”

See the chapter Copy

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

12 Saka vakaenda kuna mambo vakataura naye pamusoro pechirevo chake choushe vachiti, “Ko, hamuna kuzivisa here chirevo chokuti pakati pamazuva makumi matatu anotevera, ani naani anonyengetera kuna mwari kana munhu upi kunze kwokwamuri, imi mambo, achakandwa mugomba reshumba?” Mambo akapindura akati, “Chirevo chakadaro chiripo, chinoenderana nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.”

See the chapter Copy

Shona BIBLE

12 Ipapo vakaswedera, vakataura pamberi pamambo pamusoro pechirevo chamambo, vachiti, “Hamuna kuisa zita renyu pachirevo, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba here?” Mambo akataura, akati, “Ishoko rechokwadi, nomurairo wavaMedhia navaPeresia, usingashandurwi.”

See the chapter Copy

Danieri 6:12

Follow us:

Advertisements

Advertisements