Danieri 5:23 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika23 Asi iwe wakatozvitutumadza zvako uchikanganisira Tenzi Wedenga. Ukatoraka iwe midziyo yomumba make ikaunzwa pauri, iwewe namadzishe ako navakadzi vako navarongo vako ukanwira mairi uchitorumbidza hako vamwari vesirivha nevendarama nevendarira nevesimbi nevezvimiti navamabwe, vasina chavanoona kana kunzwa vasina nechavanoziva. Asi Mwari, iye akabata upenyu hwako mumaoko make, iye anoti kwaanenge ati unoenda ndiko kwaunoenda hauna kumuremekedza. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)23 asi makaɀikudza pamberi paShe wokuɗeŋga; midziyo yeimba yake yakaʋuyiswa pamberi penyu, imi namadzishe enyu naʋakadzi ʋenyu naʋaroŋgo ʋenyu mukanwa waini nayo; makarumbidza ʋamŋari ʋesirveri nendarama neɗare namatanda namabge, ɀisiŋgaʋoni kana kunzwa kana kuziʋa; asi iye Mŋari, wakaɓata mŋeya wenyu muruʋoko rwake, unoziʋa nzira dzenyu dzose, hamuna‐kumukudza iye. See the chapterShona Bible 1949 revised 200223 asi makazvikudza pamberi paIshe wokudenga; midziyo yeimba yake yakauyiswa pamberi penyu, imi namadzishe enyu navakadzi venyu navarongo venyu mukanwa waini nayo; mukarumbidza vamwari vesirivha nendarama nedare namatanda namabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kuziva; asi iye Mwari, akabata mweya wenyu muruoko rwake, anoziva nzira dzenyu dzose, hamuna kumukudza iye. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona23 Asi iwe wakatozvitutumadza zvako uchikanganisira Tenzi Wedenga. Ukatoraka iwe midziyo yomumba make ikaunzwa pauri, iwewe namadzishe ako navakadzi vako navarongo vako ukanwira mairi uchitorumbidza hako vamwari vesirivha nevendarama nevendarira nevesimbi nevezvimiti navamabwe, vasina chavanoona kana kunzwa vasina nechavanoziva. Asi Mwari, iye akabata upenyu hwako mumaoko make, iye anoti kwaanenge ati unoenda ndiko kwaunoenda hauna kumuremekedza. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi23 Pamusoro pezvo imi masarudza kurwa naIshe wokudenga. Maita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu manwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha, vegoridhe, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe, vasingagoni kuona, kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose. See the chapterShona BIBLE23 asi makazvikudza pamberi paIshe wokudenga; midziyo yeimba yake yakauyiswa pamberi penyu, imi namadzishe enyu navakadzi venyu navarongo venyu mukanwa waini nayo; mukarumbidza vamwari vesirivha nendarama nedare namatanda namabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kuziva; asi iye Mwari, akabata mweya wenyu muruoko rwake, anoziva nzira dzenyu dzose, hamuna kumukudza iye. See the chapter |